Chikwata cheCaps United chawedzera hutungamiri wacho chiri pamusoro pegungano reCastle Lager Premier Soccer League asi mhuri yechikwata ichi ichiti haisi kuda kukurumidza kumedza kutsenga ichada.
Chikwata ichi chave kutungamira Chicken Inn ne FC Platinum nemapoinzi mashanu mushure mekurova Mushowani Stars 2-1 panguva iyo maGame Cocks ne Pure Platinum Boys dzakatadza kutora mapoinzi ese matatu mushure mekuita mangange.
Makepekepe yave nemapoinzi makumi mana nemanomwe, ichiteverwa neFC Platinum neChicken Inn idzo dzave nemapoinzi makumi mana nemaviri.
Asi vateveri vemaGreen Machine vanoti husiku hurefu sezvo pachiri nerwendo rurefu pamitambo mipfumbamwe yasara kuti makwikwi aya apere.
Mumwe mutsigiri mukuru wechikwata ichi VaPropser Muzezeya vanoti vachafara chete musi unopera mitambo kana vachiri pamusoro pegungano rezvikwata gumi nezvisere iri.
Chikwata cheZPC Kariba charamba chiri pachinhanho chechina nemapoinzi makumi mana nerimwechete mushure mekuita mangange 0-0 ne FC Platinum.
Asi mapoinzi matatu ari kuramba kuuya mumusha weDynamos mushure mekunge chikwata ichi chaita mangange kechitatu pamitambo yakatevedzana mushure mekuita mangane 0-0 neBulawayo Chiefs.
Izvi zvinotevera mangange avakaita 1-1 neZPC Kariba svondo rapera ayo akateverwa nemamwe mangange zvekare 0-0 avaive vaita muRufaro Stadium neTelOne, izvo zvisiri kufadza murairidzi wavo, Tonderai Ndiraya.
Ndiraya anoti panguva ino, Dynamos inoda vatambi vane hana dzakasimba kuti vabudirire muchinangwa chavo chekupedza vari pazvikwata zvina zvinenge zviri pamusoro-soro.
Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi…
Herentals 1 Highlanders 1
Hwange 0 Black Rhinos 0
Triangle 3 Harare City 1
TelOne 1 Manica Diamonds 0
Yadah 1 Ngezi Platinum 1
Kwatambwa mitambo makumi maviri nemishanu, zvikwata zvina zviri pamusoro-soro ndeizvi..
Caps United 47 points
FC Platinum 42 points
Chicken Inn 42 points
ZPC Kariba 41 points
Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi ….
Harare City 25 points
Herentals 25 points
Bulawayo Chiefs 25 points
Yadah 24 points
Facebook Forum