Accessibility links

Breaking News

Caps United Yodoma Chitembwe seMurairidzi


Chikwata cheCaps United chatambidza Lloyd Chitembwe basa rehurairidzi achitsiva Darlington Dodo uyo vakadzinga svondo rapera.

Mukuru wechikwata ichi VaFarai Jere vanoti Chitembwe apihwa basa iri kwemakore matatu anotevera zvichienderana nekuti chikwata chake chiri kutamba sei panguva iyi.

VaJere vanoti Chitembwe ari kuuya nevatevedzeri vake avo aive navo kuHarare City kusanganisira Nelson Matongorere Fungai Kwashi naTonderai Marume, avo aimborairidza navo mazuva ayo aive kuCaps United.

Asati aenda kuHarare City muna 2019, Chitembwe akatora mukombe weligi neCaps United muna 2016 uye kutungamira chikwata ichi kusvika mumini League stage yeCaf Champions League muna 2017.

Chitembwe anoti ari kufara kudzoka kuMakepekepe achiwedzera iye kuti ari kuona vachibudirira achitarisa vatambi veCaps United varipo.

Mukuru wesangano revatsigiri vechikwata ichi uyezve vari nhengo yebhodhi reCaps United VaAbraham Kawadza vanoti vari kufara kuti Chitembwe adzoka kumusha.

Caps United iyo yaityisa munhabvu muZimbabwe yadzikira zvinotyisa zvekuti zvikwata zvese zvave kuda kutamba nayo kuti zvikunde.

Chikwata ichi chakabuditswa munharaunda yekutanga mumakundano eChibuku Super Cup izvo zvakakonzeresa kuti Dodo adzingwe basa.

Asi VaKawadza vanoti vari kutarisira shanduko huru nekuuya kwaChitembwe vachiti vari kuda mikombe nekutamba muAfrica zvekare.

Asi Chitembwe achamboti nonokei kuwana mitambo sezvo svondo rino, kusina mitambo muZimbabwe nekuti chikwata chenyika chine mitambo miviri neSouth Africa neChina pamwe neEthiopia muNational Sports Stadium nesvondo,

Iyi ndiyo mitambo yekugumisira yemaWarriors mumakwikwi e2022 World Cup.

Zimbabwe yakatobuda mumakwikwi eQatar World Cup aya uye murairidzi wechikwata ichi Norman Mapeza anoti ave kuumba chikwata chinozokwikwidza zvakasimba kumakwikwi eAfrica Nations Cup kuCameroon gore rinouya.

Vamwe vatambi vechikwata chemunyika vanotambira muuZimbabwe vakatosimuka nemusi weMuvhuro vakananga kuSouth Africa.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG