Accessibility links

Breaking News

Caps United Yokweshana neDynamos neSvondo


Caps United
Caps United

Nzira dzese muHarare dzichage dzakananga kuNational Sports Stadium uko kune mutambo mukuru wenhabvu muZimbabwe svondo rino.

Munhandare iyi muchange musingadaidzwe anonzwa neSvondo apo nhandare huru iyi ichange ichitamba ngoma yemutambo mukuru uyezve une mukurumbira gore rega rega weHarare Derby pakati peCaps United neDynamos.

Mutambo uyu wauya panguva iyo Makepekepe ari kuda mapoinzi ese matatu kuti arambe ari pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League, Dynamos ichidawo mapoinzi aya kuti izadzikise chinangwa chayo chekupedza iri pazvikwata zvina zvichapedza zviri pamusoro-soro mukupera kwemwaka wenhabvu munyika.

Muraridzi we Caps United, Darlington Dodo, anoti vari kuenda kunhandare huru iyi kunoratidza nyika yese kuti sei vari pamusoro petafura yezvikwata zvenhabvu yepamusoro munyika.

Pakapedzisira kusangana zvikwata izvi muRufaro Stadium, mutambo uyu wakapera uri mangange asi ikozvino Caps United, yave kurairidzwa naDodo, kwete naLloyd Chitembwe uyo aive panyanga panguva iyoyo.

Mutambo uyu wauya zvekare mushure mekunge Caps United yakatatarika mumutambo wayo wekugumisira ndokuita mangange neYadah apo Dynamos yakashanya ku Gweru ndokunorova Chapungu 2-1.

Muteveri weCaps United, VaTudmund Goredema, vanoti vari kutya matambiro ari kuita Dynamos, asi vachiti chishuwiro chavo ndechekuti panopera mutambo, Makepekepe ndiwo achange akunda.

MaGreen Machine anoziva kuti kutadza kukunda mumutambo uyu kukasangana nekukunda kweFC Platinum iyo ine Chapungu, nekukunda zvekare kwe Chicken Inn iyo ine Bulawayo Chiefs, kunovasiya vapunzika kubva pamusoro petafura.

Pari zvino, Caps United ine mapoinzi makumi mashanu nemashanu, mapoinzi maviri pamusoro pemaGame Cocks neKugona Kunenge Kudada.

Asi mitambo yeChicken Inn neFC Platinum haina kupfava sezvo vari kusangana nezvikwata zviri kurwa zvakasimba kuti zvirambe zviri mugungano renhabvu yepamusoro iyi.

Mumwe mutambo uri kuratidza kuti uchabaka moto unotyisa ndeuyo uri kuColliery uko zvikwata zviri panguva yakaoma, Hwange neHerentals, zviri kusangana.

Hwange iri pachinhanho chechipiri kubva pasi nemapoinzi makumi matatu nematatu, Herentals iine mapoinzi makumi mana nemashanu iri pachinzvimbo chechina kubva pasi petafura.

Asi murairidzi weHwange, Nation Dube,ari kuramba kuti vatoenda kuDivision One.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:

Mugovera:
Harare City v Yadah

Svondo:
Black Rhinos v Ngezi Platinum Stars
Mushowani v TelOne
Triangle v ZPC Kariba
Highlanders v Manica Diamonds

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG