Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, VaTapiwa Guzha, Vogadzira Ice Cream Kubva muMichero yeMusango.


Chizvarwa cheZimbabwe, VaTapiwa Guzha, voshura mare nekugadzira ice cream kubva mumichero yemusango.
Chizvarwa cheZimbabwe, VaTapiwa Guzha, voshura mare nekugadzira ice cream kubva mumichero yemusango.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reCape Town muSouth Africa, VaTapiwa Guzha, vaita mbiri yekunyautsamukanwa meveruzhinji kuburikidza nezviwitsichando kana kuti ice cream dzavari kugadzira muchitoro chavo che TAPI TAPI ICE CREAM, vachishandisa michero yemusango kubva mumiti yechivanhu.

VaGuzha, avo vakaita zvidzidzo zvepamusorosoro zvePHD zveMolecular Biology, vanoti vanoshandisa ruzivo rwavo urwu mukugadzira zviwitsichando vachishandisa michero yakaita semazhanje, mawuyu, matamba, masawu nemimwe michero yavanenge vangofunga kushandisa inowanikwa muAfrica.

Vanoti vave nemakore mana vachigadzira ice cream yemichero yemusango iyi, uye vanogadzirawo zvakare zvinwiwa kubva mumichero iyi pamwe nesipo kubva kumiti yemusango.

VaGuzha vanoti vanogadzirawo zvakare zvidyiwa zvakaita se pudding kubva kuupfu hwezviyo nedzimwe mbesa duku dzechivanhu.

VaGuzha vakaberekerwa pachipatara che Edith Opperman chiri mumusha weMbare muHarare makore makumi matatu nemashanu adarika, vakazoenda kuSouth Africa muna 2005 umo vagere kusvika nhasi.

Hurukuro naVaTapiwa Guzha
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG