Accessibility links

Breaking News

CAF Inoti MaWarriors neZvimwe Zvikwata Vakurumidze Kutamba Mitambo yeAfrica Nations Cup


Egypt Africa Cup Soccer
Egypt Africa Cup Soccer

Chikwata chemaWarriors chirikupinda munhandare nekukurumidza pane zvanga zvakarongwa kurwira nzvimbo ye 2021 Africa Cup of Nations zvichitevera shanduko yemazuva ekutamba yaitwa neveConfederation of African Football.

Gwaro rabuditswa neveCaf rinoti Zimbabwe yave kuzotamba mitambo yayo miviri neAlgeria musi wa 23 na 30 Kurume kwete 30 Nyamavhvhu na 8 Gunyana izvo zvaive zvambotarwa.

Izvi zvauya mushure mekunge veCaf ava vashandurawo mazuva achatambwa mafainari eAfcon 2021 kubva muna Chikumi kudzoka muna Ndira wegore rinouya nemhaka yemamiriro anofungidzirwa kuti anenge akaita kunze muCameroon.

VeCaf vanoti muna Chikumi kunenge kuchipisa zvinotyisa muCameroon izvo vanoti zvinogona kukanganisa makundano ezvikwata makumi maviri nezvina aya.

Pari zvino, Algeria ndiyo iri kutungamira gungano rezvikwata zvina rine Zimbabwe iine mapoinzi natanhatu, mapoinzi maviri pamusoro pemaWarriors.

Kunyange hazvo maDesert Foxes aya asati adyiwa uyezve ari iwo ane mukombe weAfrica uyu muzvinabhizimisi VaObert Masvotore vanoti Algeria unokwanisa kupunzirwa pasi apo ichashanya muZimbabwe.

Botswana ine pondi imwechete, asi Zambia haina kana poindi kubva mumitambo miviri. Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinobudirira kuenda kumafainari.

MaWarriors achatamba neBotswana muGaborone muna Chikumi, vachizopedzisa mitambo yavo vari pamusha neZambia musi wa 8 Gunyana.

Asi Zimbabwe haisati yave nemurairidzi wechikwata chemaWarriors panguva iyo mazuva emitambo ari kuswedera.

VeZifa Technical Commiitee vakasangana mukupera kwesvondo kuongorora matsamba evari kuda basa asi havana kuzivisa kuti wavasarudza ndiani.

Asi ruzhinji muZimbabwe kusanganisira VaProsper Mushayi vanoti ino haisi nguva yekushandura shandura zvinhu vachiti ivo Joey Antipas uyo aive panyanga pamitambo miviri yemakundano aya ndiye anofanira kupihwa basa iri.

Zimbabwe yabudirira kanokwana kana kuenda kumafainari emakundano mumakore anoti 2004, 2006, 2017, na2019 vachishandisa varairidzi vemuno.

Aimbove mubati wepembe muPremier Soccer League VaSam Hamandawana vanoti vachitarisa makandirwo ari kuitwa zvibodzwa naTino Kadewere anotambira Le Havre kuFrance uyyo ari kudiwa nezvikwata zvakawanda muEurope nekuBrazil, nematambiro ari kuita Khama Billiart uyo akakuvara hake parizvino pamwe nekuti Knowledhe Musona uyo akabva kuAnderletch achienda kuAS Eupen achibva amwisa mumutambo wake wekutanga nechikwata ichi.

Mushure mekumbomiswa kweNational Sports Stadium neRufaro Stadium neveCaf zvichinzi hadzikodzere kutambirwa nhabvu yepamusoro-soro, maWarriors angangoshandisa Barbourfields Stadium mumitambo yavo yepamusha.

Zvichakadaro, chikwata chenyika chemutambo wekiriketi chemaChevrons chatanga mutambo wacho wekutanga wemaTests neSri Lanka zvinodakadza mushure mekukanda maranzi zana nemakumi masere nemapfumbamwe (189) varasikirwa nevatambi vaviri chete.

Kevin Kasuza ndiye akashura muHarare Sports Clun mare pamberi pechaunga nezuro nekukanda maranzi makumi matanhatu nematatu (63) mumutambo wake wekutanga wemaTests.

Chimwe chakafadzawo veruzhinji ndechevatambi vechidiki varikupihwa mukana avo vanosanganisirawo Prince Masvaure naAinsley Ndlovu pamusoro paKasuza.

Uyu mutambo weZimbabwe wekutanga wemaTests kwapera gone nemwedzi mina.

Mutambo uyu uyo wakazomiswa nezuro manheru nemhaka yemagetsi wasimudzira zvekare nhasi sezvo urikuenderera mberi kusvika musi weChina apo urikusvika kumagumo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG