Accessibility links

Breaking News

Kunyoresa Kuvhota Kwokonzera Mutauro Munyika


VaDouglas Mwonzora (kurudyi) naVaNelson Chamisa.
VaDouglas Mwonzora (kurudyi) naVaNelson Chamisa.

Sachigaro wesangano rinotungamira nyaya dzesarudzo reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vanoti vanhu vachatanga kunyoresa kuvhota kuti vave pagwaro idzva rinoshandisa michina yechizvino zvino, kana kuti Biometric Voter Registration, nemusi weMuvhuro.

Asi musi uyu, dare repamusoro reHigh Court rinenge richizeyawo nyaya yekuti zviri kuitwa neZEC zviri pamutemo here kana kuti kwete.

Bato reMDC-T rakaendesa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutevedzeri wavo, vanove zvekare gurukota rezvemitemo, vaEmmerson Mnangagwa, uye ZEC, kumatare richiti zvavari kuita munyaya dzesarudzo, kusanganisira nyaya yekutanga kunyoresa vavhoti, hazvisi pamutemo.

Mamwe masangano, akaita seZimbabwe Election Support Network, aburitsawo mashoko kuvatori venhau nhasi achikurudzira hurumende kuti ivandudze mitemo yesarudzo kuitira kuti nyika iite sarudzo dzakachena.

Sangano iri rati nyaya dzekutyora kodzero dzevanhu munguva yesarudzo, kusanganisira kuvaita kafiramberi nekuvatyisidzira, dzinofanira kumira.

Sangano remubatanidzwa wemasangano akawanda akazvimirira munyika, Crisis In Zimbabwe Coalition, yaburitsawo mashoko kuvatori venhau richiti harisi kufara kuti ZEC haisi kunyatsoshandawo nemasangano akazvimirira oga muzvirongwa zvayo.

Sangano iri ratiwo nenyaya yekushaya dzidziso yakakwana yezvekunyoresa kuvhota, sarudzo idzi dzichangoita sedzimwe dzakaitwa kare dzisina kutambirwa nemapato anopikisa.

Mashoko aya anotsinhirwawo nemunyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vakati nemasikati eMuvhuro dare rinenge rozeya kuti zviri kuitwa neZEC zviri pamutemo here.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG