Accessibility links

Breaking News

Kuradzikwa kwaVaMugabe Kworamba Kusina Kujekeswa


ROBERT MUGABE 1979

Mhuri yevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, iri kuramba ichichinja chinja nyaya yekuti VaMugabe vacharadzikwa kupi izvo zvotemesa vakawanda munyika musoro.

Muzukuru waVaMugabe, uye vari mutauriri wemhuri, VaLeo Mugabe, vaudza Studio7 kuRufaro Stadium uko kwange kwakaungana vanhu vachionekana naVaMugabe kuti sekuru vavo vacharadzikwa kuHeroes Acre, asi nemhuri yave chete.

Vane ruzivo nezviri kuitika mumhuri yaVaMugabe vaudza Studio 7 kuti kunetsana mumhuri hakusati kwapera sezvo vamwe vachiri kuda kuti varadzikwe kwaZvimba kumusha.

Ukuwo Ishe Katizagombo, avo vari kutaura vakamirira madzishe edzinza raVaMugabe, vaudzawo Studio7 kuti mufi achavigwa kuHeroes Acre semavigirwo anoitwa mamwe magamba ane apihwa ruremekedzo rwakadai.

Vachitaura kuSouth Africa neChina pagungano rekurangarira VaMugabe rakarongwa nebato rinopikisa munyika iyi reEconomic Freedom Fighters, mumwe muzukuru waVaMugabe, VaPatrick Zhuwao, avo vari muhupoteri vakati mhuri yainge isiri kufara kuti vanhu vakashungurudza sekuru vavo kusvika parufu vataure pakuvigwa kwavo sekunge vatsvene.

VaPatrick Zhuwao vakati bato reZanu-PF rakabata VaMugabe neseri kweruoko.

Munhandare yeRufaro kuVietnam Stand kwange kuchiratidzawo kusagadzikana zvichiratidzwa nenzimbo dzange dzoimbwa nedzimwe nhengo dzeZanu-PF dzinenge dzange dzichiratidzawo kusafara nekufa kwaVaMugabe.

Vamwe vange vachiimba vaudza Studio7 kuti havana kufara nemafiro akaita VaMugabe mushure mekupidigurwa pachigaro nemauto aitungamirwa nevaive mukuru wemauto muna 2017, VaConstantino Chiwenga.

Pavanzi nevange vachiita hurongwa hwanhasi vambonyarara, vanhu ava vange vaine kamwe kambo kekuratidza kusafara kwavo.

Vamwe vange vachiimbawo nezvekushaikwa kwezvinhu zvakawanda munyika kusanganisira magetsi nekudhura kwechingwa.

Zvichakadaro, bazı rezvekuburitswa kwemashoko raburitsa mashoko padandemutande reTwitter richiti migwagwa inoterevera inenge yakavharwa kuitira hurongwa hwekuchema VaMugabe kuNational Sports Stadium.

Simon Muzenda, corner Jason Moyo kusvika Tongogara na S.V. Muzenda, Tongogara kusvika muna Harare Drive; Sam Nujoma kusvika kuna Tongogara; kwoti Rotten Row kubva kuna Coventry kusvika kuna Tongogara.

Pahurongwa uhu bazi rezvekuburitswa kwemashoko rati vatungamiri vemapato anopikisa vanoti VaNelson Chamisa, Muzvare Thokozani Khupe, VaLovemore Madhuku, uye Amai Joice Mujuru, vanenge vakagara kuVIP, asi kuVVIP kunenge kuine mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vatungamiri vekune dzimwe nyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG