Accessibility links

Kunetsana Koramba Kuripo muKomiti Iri Kutungamira Kunyorwa kweBumbiro Idzva

  • Blessing Zulu

Kunyange hazvo paine kukandirana makobvu nematete kwakanyanya pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika zvinonzi chirongwa ichi chave kusvika kumagumo kwacho.

Asi chikamu chimwe chete chasara chiri kunzi ndicho chakaomarara zvekuti zvinogona kupa kuti COPAC iputse chirongo yasvika.

Vanasachigaro veCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangeana veZanu-PF, pamwe naVaDoglas Mwonzora veMDC-T, vanoti vapedza zvikamu gumi nemasere uye kwasara chikamu chimwe chete icho chine misariridzwa inofanirwa kugadziriswa.

Izvi zvinosanganisira nyaya yekutongerwa rufu, kodzero dzengochani, masimba emuchuchusi mukuru wenyika nedzimwe.

Vakaoma musoro muZanu-PF vaikurudzira mumusangano weboka iri neChitatu kuti mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vabuditse bato ravo muCOPAC voita sarudzo gore rino pasina bumbiro remitemo.

VaMwonzora vanoti mashoko eZanu-PF ndeemugotsi matsuro uye vati vanotarisira kuti mukupera kwemwedzi unouya vanenge vapedza kunyora bumbiro idzva iro richazovhoterwa pareferendamu. Pari zvino COPAC iri kuzeya zvikamu zvapera.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paWestminster University kuBritain vanoti Zanu-PF iri kutyira kuti masimba aVaMugabe angatorwe.

XS
SM
MD
LG