Vanhu vange vachitengesera panzvimbo yeEgodini muBulawayo vabva panzvimbo iyi Chipiri mangagwana kuitira kuti kuvakwa kweEgodini Mall kutange.
Panzvimbo yeEgodini ndeimwe yenzvimbo huru dzinokwirirwa makombi pamwe nekutengesera vanhu uye panosigara pakatsokodzerana vanhu pamwe nemakombi aya.
Asi pazosvika nguva dzemasikati, panzvimbo iyi pange pachena.
Munyori wesangano reBulawayo Upcoming Traders Association, VaDumisani Ncube, vaudza Studio7 kuti nhengo dzesangano ravo dzazobvuma kubva panzvimbo iyi vachienda kunzvimbo itsva dzakatarwa nekanzuru mushure mekunge vabvumirana nekanzuru.
VaNcube vati kugoverwa kwenzvimbo idzi kwange kuchiitwa vachishanda nevekanzuru uye zvinhu zvose zvange zvichifamba zvakanaka.
Asi mumwe wevange vachitengesa panzvimbo iyi, Amai Sibongile Tshongwe, vati havana kufara nemagoverwo ange achiitwa kwavanofanirwa kunotengesera kutsva vachiti semaonero avo, ivo nevamwe vavo vave nenguva yakareba vachitengesera paEgodini, vange vachifanirwa kuve ivo vanotanga kupiwa mukana wekusarudza kwavanoda kuenda.
VaCleto Mudzingwa, avo vati vave nemakore masere vachishandira paEgodini, vati kubviswa kwavo panzvimbo iyi kuchaita kuti hupenyu hwavo huvawomere vachiti vachaedza kuwana raramo nekutsvaga basa rakati tsvikiti rinovapa chauviri.
Mumwe mugari wemuBulawayo, VaTrust Makaimeya, vati vanotarisira kuti kuvakwa kweEgodini Mall kuchabatsira kuunza budiriro muguta reBulawayo.
Gore rakapera kanzuru yeguta reBulawayo yakanyorerana chibvumirano chekuvakwa kweEgodini Mall neimwe kambani yekuSouth Africa ikazivisawo kuti vemakombi pamwe nevanhu vaitengesera panzvimbo yeEgodini, vaizobviswa.
Kubva kwevanotengesa ava kwakambotora nguva vatungamiri vavo vachiti vaida kutanga vanyorerana chibvumirano nekanzuru chekuti ndivo vaizopiwa mukana vekudzoka panzvimbo iyi kana yapera kuvakwa.
Egodini Mall inotarisirwa kuvakwa nemari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu emadhora uye kuvakwa kwayo kunonzi kunotarisirwa kuwanisa vanhu vanopfuura chiuru mabas
Facebook Forum