Accessibility links

Breaking News

Vagari muBulawayo Votaura Mushure Mekunzwa Zvakabuda muConCourt


Justice Luke Malaba outside the Bulawayo High Court on Monday.
Justice Luke Malaba outside the Bulawayo High Court on Monday.

Vanhu vakawanda vari muBulawayo vanoti vane maonero akasiyana siyana.

Mutauriri webato reZapu, VaIphithule Maphosa, vati semaonero avo kunyange hazvo gweta raVaNelson Chamisa, VaThabani Mpofu, vakapa humbowo hwakakwana hunoratidza kusabatwa zvakanaka kwakaitwa sarudzo, dare rakaratidza kuve rakarerekera kudivi remutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe neZimbabwe Electoral Commission, Zec.

VaMaphosa vati vanoona zvisina maturo kuti dare ritarisire kuti gweta raVaChamisa raikwanisa kuwana humboo hwakakwana kusanganisira hwaibva kuZec iyo Zec yacho iri iyo yaipomerwa mhosva yekusabata sarudzo nemazvo.

Izvi zvatsigirwawo nemumwe mugari angozvidoma nezita rekuti Sipambi uyo ati zvainetsa kuti gweta raVaChamisa rikwanise kupa humbowo hunopfuura hwarakapa.

Munyori mukuru wesangano reIbhetshu likaZulu, VaMbuso Fuzwayo, vanoti semaonero avakaita, gweta raVaChamisa rakakwanisa kupa humboo hwakakwana vachiti Zec yakasara isina kupindura zvakawanda zvakakosha zvaive zvabvunzwa, kusanganisira kuti sei yakachinja zvakabuda musarudzo katatu.

Nhengo yeCentral Committee yebato reZanu PF, VaJoseph Tshuma, vati semaonero avo magweta emativi ose akaratidza hunyanzvi pakutaura nyaya yavo mudare vachitiwo majaji akaratidzawo kuti vanogona basa ravo.

Asi VaTshuma vati zviri pachena kuti divi raVaChamisa rakatadza kupa humbowo hwakakwana, vachitiwo vanotarisira kuti mangwana dare richapa mutongo unofadza bato ravo.

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira ega, Lulu Harris, anoti pave nenguva matare emunyika achionekwa seakarerekera kubato rave nenguva richitonga reZanu PF, vachitiwo zvakaitika munyika zvinopa mukana wekuti vatongi vedare vadzorere chiremera chinofanirwa kupiwa matare vachiratidza kuti havana divi ravakarerekera.

Dare reConstitutional Court riri kutura mutongo waro mangwana uye vamwe, kusanganisira sangano reZimbabwe Council of Churches, vari kukurudzira veruzhinji munyika kuti vatambire zvinenge zvaturwa mudare murunyararo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG