Accessibility links

Breaking News

Dare Rinonzwa Chikumbiro Chekumisa Hurumende Kuviga Patsva Vakafa Nguva yeGukurahundi


Gukurahundi Exhumations
Gukurahundi Exhumations

Nyaya yeGukurahundi inyaya inobaya moyo yevakawanda munyika
saka inofanirwa kubatwa zvakanaka nematanho anoita kuti igadziriswe
murunyararo kuchitevedzerwa mitemo yenyika.

Izvi zvabuda mudare redzimhosva muBulawayo pakunzwikwa
kwechikumbiro chechimbi-chimbi chakakwidzwa kudare naVaCharles Thomas, chekuti hurumende imise hurongwa hwainaho hwekuda kuviga patsva vanhu vakauraiwa panguva yeGukurahundi.

VaThomas vakadoma mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, uye National Peace and Reconciliation Commission nemukuru wayo, VaSelo Nare.

Mutungamiri wemubatanidzwa wemasangano akazvimirira ega weMatabeleland Collective, Amai Jenni Williams, varimowo munyaya iyi vakazvimirira pachavo vega sezvo mubatanidzwa wavo uri iwo wakavamba chirongwa chekutaura nemutungamiri wenyika kuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe.

Gweta rehurumend,e Muzvare Rejoice Hove, vati dare harifanirwe kutambira
chikumbiro ichi nekuti hurumende haina kumbotaura kuti ine hurongwa
hwekuda kuviga vanhu patsva. Vati VaThomas vakakurumidza kumedza
kutsenga vachada vakamhanyira kukwira kudare nenzira singakodzeri.

Asi gweta raVaThomas avo vari kumiririrawo sangano reIbhetshu Likazulu
Trust munyaya imwe cheteyo, VaNqobani Sithole, vati chikumbiro chavo
chakabva pamashoko akabudiswa mune rimwe bepanhau rehurmende
reSunday News ekuti hurumende yaive nehurongwa hwekutanga kuviga
patsva vanhu vakaurayiwa panguva yeGukurahundi.

VaSithole vati kuita izvi pasina hwaro hwakajeka hunoitwa mushure
mekunzwa kune veruzhinji kunenge kuri kutyora mitemo yenyika
kusanganisira chikamu chemutemo weInquest Act.

Mutingi wedare, Justice MartinMakonese, vabvunza VaSithole kuti vakamboedzawo here kutaura neveboka reNPRC vasati vauya kudare, vachiti nyaya yeGukurahundi inyaya inobata-bata vanhu vakawanda zvekuti inofanirwa kugadziriswa nenzira dzakanaka kuitira kuti nyika ive nerunyararo rwechokwadi.

VaSithole vabvumirana nemaonero aya asi vati vakaona zvakakodzera
kuunza chikumbiro chechimbi-chimbi ichi kudare sezvo vaityira kuti
hurumende ingangoita zanondega panyaya iyi.

VaSithole vaudza Studio 7 kuti maonero avo ndeekuti hurumende
haifanirwe kuve iri iyo inotungamira panyaya yekuvigwa patsva kwevanhu
vakauraiwa paGukurahundi.

Rimwe remagweta ange akamirira boka reNPRC, VaMaclean Mahaso, vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana nemaonero egweta rehurumende panyaya iyi ekuti VaThomas nevamwe vavo havana kumboedza dzimwe nzira dzekuti nyaya yavo igadziriswe vasati vakwira kudare.

Amai Williams vatiwo chishuwo chavo ndechekuti dare rirase chikumbiro
chechimbi-chimbi ichi vachiti zvose zviri kuitwa nesangano ravo
pakuedza kugadzirisa nyaya yeGukurahundi vari kuzviita vachishanda
nevamwe vanhu vakasiyana-siyana kusanganisira madzishe.

Justice Makonese vati vachapa mutongo wavo pazuva ravasina kudoma.

Pane vanhu vanopfuura zviuru makumi maviri vakauraiwa panguva
yeGukurahundi pakati pemakore a1983 na1987 mumatunhu eMatabeleland
neMidlands nechikwata chemauto chainzi Fifth Brigade icho chaitungamirwa namushakabvu, Perrence Shiri.

VaMnangagwa vaive gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika panguva iyi, ukuwo
mushakabvu Robert Mugabe vari mutungamiri wehurumende.

Nyaya yeGukuruhandi inogara ichimutsa mutauro munyika nekuti vamwe
vanoiwona seine chekuita nekurwisana kwemarudzi.

Vamwe vanoti hurumende inifanirwa kubudisa pachena zvakaitika panguva
iyi yokumbira ruregerero uye vakauraya vanhu ava votongwa kuitira kuti
munyika muve nerunyararo rwechokwdi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG