Paita kupesana kukuru pakati pekanzuru yeBulawayo negurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, pamusoro pedanho rehurumende rekuda kuparadzwa zvivakwa zviviri zviri pagwenya remagetsi anobva mumarasha.
Meya weguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, pamwe nevamwe vagari vemuBulawayo, vabuda mumusangano wange wadeedzwa negurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, senzira yekuratidza kusafara kwavo pamusoro pehurongwa hweZimbabwe Power Company, ZPC, hwekuda kuparadza zvivakwa zviviri zviri pagwenya remagetsi emarasha muBulawayo.
ZPC inoti iri kuda kubvisa zvivakwa izvi ichiti zvinogona kudhirika zvega zvikakonzera njodzi uye ichitiwo inoda kunatsurudza zvimwe zvivakwa zvina zviripo uye kuvandudza magetsi anobva pazvivakwa izvi.
Asi VaMguni vaudza Studio 7 kuti pane makakatanwa ari mumatare edzimhosva pamusoro pegwenya remagetsi iri. Vatiwo hakuzi kuti havadi kuti muguta muve nebudiriro asi kuti chimwe chavanoshora ndechekuti kanzuru haina kuudzwa nezvehurongwa uhu.
Maguta eBulawayo neHarare aive ane magwenya awo emagetsi asi magwenya aya akazonzi aendeswe kukambani yeZimbabwe Electricity Supply Authority, ZESA.
Asi vanoziva nezviri kuitika vanoti imwe nyaya iri kupokanwa nayo nekanzuru yeBulawayo ndeyekuti gwenya iri rakaendeswa mumaoko eZESA zvisiri pamutemo.
Vamwe vagari vataurawo neStudio7 vati havadi kuti zvivakwa izvi zvidhiriswe sezvo vachizvikoshesa sezvinhu zvinopa nhoroondo yeguta reBulawayo.
Mumwe mugari, VaTarisai Manhanhise, vati pane kuti zvidhiriswe, zvivakwa zviviri izvi zvinogona kunatsurudzwa zvoshandiswa kukwezva vashanyi sezvinoitika kuzvivakwa zvakadaro zviri muSoweto kuSouth Africa.
Asi mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwezvivakwa mukambani yeZPC, VaFannie Mavhondo, vaudza musangano uyu kuti izvi hazvigoneki nekuti zvivakwa zvepagwenya remagetsi emuBulawayo zvichiri kushandiswa kugaya magetsi uye hazvigoni kuti panzvimbo pakadaro pave panoshanyirwa neveruzhinji.
Mumwe mugari, VaVictor Chinembiri, vati hurumende ine nhoroondo yekusaita kana kupedza zvirongwa zvainenge yavimbisa saka nekudaro havadiwo kuti zvivakwa izvi zviputswe.
Asi VaChasi vaudza vagari kuti vange vauya kuzoita musangano uyu mushure mekunzwa mumapepanhau nezvekusafara kwavo pamusoro pehurongwa hweZPC pazvivakwa izvi vachiti shuviro yavo ndeyekuti pave nekuwirirana panyaya iyi.
VaChasi vabvuma kuStudio 7 kuti zvange zviri pachena kuti vagari havazi kufara asi vati chikonzero chikuru change chiri chekuti vange vasina ruzivo rwakakwana pamusoro pehurongwa hweZPC. Vati vanovimba kuti vagari vachawirirana nehurongwa uhu.
Gwenya remagetsi emarasha remuBulawayo rakavakwa pakati pemakore a1947 na1957. Mutemo wezvivakwa zvemagwenya unoti zvivakwa zvemagwenya emagetsi emhando iyi zvinokwanisa kushanda kwemakore makumi matatu zvisati zvanhadzurudzwa.
Gwenya iri rakambonhadzurudzwa muna 2015.
Pari zvino zvino rinokwanisa kugaya magetsi anosvika ku30 megawatts pazuva uye ZPC inoti ine hurongwa hwekuti huwandu uhu huvandudzwe kusvika pa 90 megawatts.
Facebook Forum