Accessibility links

Breaking News

Varimi Voshaya Mombe Dzekuti Varimise Minda kuBuhera


Cattle
Cattle

Varimi vakawanda vari mudunhu reBuhera North vanoti vachatadza kurima zvakanaka panosvika mwaka wekurima sezvo mombe dzavo dzakawanda dzakafa nezvirwere zviri kuuraya mombe munyika.

Varimi ava vanoshandisa mombe kurima muminda yavo, uye zvichitevera kufa kwemombe dzavo, vanoti vava kuda rubatsiro kuitira kuti vakwanise kurima mwaka wegore rino.

Mumwe murimi wemunzvimbo iyi, Amai Sandra Mazvita, vanoti vakarasikirwa nemombe gumi nembiri. Amai Mazvita vanoti mombe idzi dzaingobuda masiriri pamwe nemadzihwa dzisati dzafa.

Amai Mazvita vanoti pakatanga dambudziko iri vakashaya vakabatsira kuti vavape ruzivo rwekudzivirira chirwere ichi izvo zvakaita kuti vasare vasina mombe dzekurimisa minda yavo sezvo mwaka wekurima wave pedyo.

Mumwe murimi wemunzvimbo iyi, Amai Susan Panganayi, vanoti kufa kwakaita zvipfuwo zvavo kwakavasiya vari pamhene.

Amai Panganayi vanoti kunyange hazvo mudunhu ravo makatangwa chirongwa chehurumende chepfumvudza, icho varimi vanoshandisa maoko kudyara mbeu dzavo voshandisa mufudze senzira yekukudza gohwo ravo, havana chivimbo chekuti nzira iyi inobudisa goho ravaiwana vachirima nemombe.

Asi nyanzvi munyaya dzekurima, Muzvare Hazel Sethaunyane, vanoti chirwere chiri kuuraya mombe ichi chinokonzerwa nezvishambwe uye mombe dzinenge dzichida kudhibhisiwa nguva nenguva.

Muzvare Sethaunyane vanotiwo nzira yekurima yepfumvudza inzira yakanaka chose uye varimi ava vanogona kutowana goho rakapfuura ravaiwana vachirima nemombe vachiti nzira iyi ine kwakawanda kwayakaedzwa ikaonekwa kuti inoshanda.

Kunyange hazvo huwandu hwemombe dzakafa mudunhu reManicaland husiri kunyatsozivikanwa, nyanzvi munyaya dzekurima dzinoti Zimbabwe yakarasikirwa gore rapera nemombe dzinodarika mazana mana ezviuru nepamusana pezvirwere pamwe chete nekushaikwa kwemvura mumatunhu akawanda munyika.

Mumiririri weBuhera North mudare reparamende, uye vari nhengo yeZanu PF, VaWilliam Mutomba, vakabvuma kuti mombe zhinji dzakafa mudunhu ravo, asi vakati havataure neStudio7.

Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Asi hurumende yakaparura chirongwa chepfumvudza icho inoti chinofanirwa kubatsira dzimba dzinosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG