Accessibility links

Breaking News

Broadcasting Authority of Zimbabwe Inotanga Kunzwa Kubva Kune vari Kuda Marezinesi


Kambani yeHot Media iyo iri kuda rezenisi yekutanga nhepfenyuro inenge ichinzi Kiss FM yaudza Broadcasting Authority of Zimbabwe kana kuti BAZ kuti ichange ichitora nhau dzayo kubva kunhepfenyuro yehurumende yeZimbabwe Broadcasting Corporation sezvo iri iyo inevatapi venhau mumatunhu ese enyika.

Vane ruzivo nezviri kuitika vati BAZ yakaronga kunzwa kubva kumakambani mana chete kubva mumakambani gumi nemashanu akanyorera kupiwa marezinesi.

Makambani mana aya anonzi ndeanoti AB Communications, Radio Vop, Zimpapers pamwe neKiss FM, iyo yasangana neBAZ.

Zvichakadaro sangano reMedia Institute of Southern Africa muZimbabwe rati rinotambira nemufaro danho ratorwa neboka reBroadcasting Authority of Zimbabwe kana kuti BAZ, rekutanga kunzwa kubva kumakambani ari kuda kupiwa marezinesi ekutepfenyura munyika.

Asi sangano iri rati harisi kufadzwa nekusashambadzwa zvakanaka kwakaitwa hurongwa uhwu, sezvo veruzhinji vakanga vasingazivi kuti chii chaitora nzvimbo.

BAZ inonzi yakazivisa kuti inofanirwa kunge yapedza kubvunzurudza makambani aya panopera mwedzi uno.

Mukuru we MISA-Zimbabwe, VaNhlanhla Ngwenya vaudza studio 7 kuti BAZ haina kushambadza zvakakwana hurongwa hwekunzwa kubva kumakambani aya.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari kuita zvidzidzo zvepamusoro mune zvenhau paWestminster University iri muLondon, kuEngland, VaPedzisai Ruhanya, vatiwo kambani yeKiss FM yatotanga nekuratidza kuti ichange ichishanda iri muhapwa dzehurumende kana Zanu Pf nemashoko aya zivisa ekuti ichange ichi shandisa vatori venhau veZBC.

XS
SM
MD
LG