Accessibility links

Breaking News

Hurumende yaVaBoris Johnson Yoramba Yakamira neNyaya yeZvirango paZimbabwe


Boris J

Britain, iyo yakabuda mugungano reEuropean Union, EU, yawedzerawo negore zvirango zvakatemerwa mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, mukuru wemauto, VaValerio Sibanda, uye gurukota rezvekurima, VaPerrance Shiri.

Asi pari zvino zvirango izvi zvichiri zvakasendekwa.

Kambani yeZimbabwe Defense Industries iri kurambawo iri pazvirango izvi kwegore isingatenderwi kutenga kana kutengesa zvombo kunyika iyi.

Vaive mutungamiri wenyika, muchakabvu Robert Mugabe, vabviswa pazvirango asi zvirango pamudzimai wavo zvabva zvasendekwawo parutivi vachibatana naVaChiwenga nevamwe vavo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvekubudyidzana nedzimwe nyika, Doctor Sibusiso Moyo, vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mumashoko avakaburitsa mushure mekunge EU yawedzerawo zvirango negore, vakati zvinofanira kubviswa zvachose.

Asi mukuru musangano rinorwira kodzero dzevanhu kuchamhembe kweAfrica, reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti kunyange Zimbabwe iri kuchema chema, uyu mukana wekuvaka hukama hwairi kupihwa nehurumende yaVaBoris Johnson.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG