Accessibility links

Breaking News

Paramende yeBritain Inoudzwa Zvakaitika pa1979 Lancaster House Conference


Nyaya yezvinhu zvakawiriranwa pakati peZimbabwe neBritain munguva yakaitwa musangano weLancaster House Conference zvava kukoknzera mutauro muBritain nedzimwe nyika.

Izvi zvinotevera gwaro rakaburitswa nekomiti yedare reparamende yekuBritain, reHouse of Commons, rinoti hapana chibvumirano chakanyoreranwa pasi pakati peZanu ne PF-Zapu munhaurirano dze Lancaster House Agreement muna 1979.

Nhaurirano idzi ndidzo dzakaronga hwaro hwekuzvitonga kweruzhinji muZimbabwe.

Komiti ye Africa All Party Parliamentary Group inoti hapana zvakabvumiranwa muchivande pakati paVa Robert Mugabe, naVa Joshua Nkomo nevamwe vavo panguva yehurukuro dzekupedza hondo.

Va Alex O’Donoghue ndivo mukokeri weboka iri. VaO'Donoghue vanoti zvinotaurwa neZanu-PF kuti British yava kuramba kubatsira Zimbabwe nemari yekutenga minda kubva kunana sapurazi vechichena, manyepo nekuti hapana kubva pamboita chibvumirano chakadaro.

Va O’Donoghue vanoti Britain yakati inokwanisa kubatsira kana paine sapurazi anenge achida kutengesa purazi rake asina kumanikidzwa. Vatiwo vari kukurudzira hurumende yavo kuti itangezve kutaurirana nehurumende yeZimbabwe, pamusoro penyaya iyi.

Asi ivo vati vanoda kuti nyika dzepasi rose, kusanganisirawo bhanga re World Bank pamwe ne International Monetary Fund, dzinge dziripowo pakubatsira nyaya yeminda iyi.

Va Pilani Zamchiya inyanzvi munyaya dzevhu uye vari kuita zvidzidzo zve PhD pa Oxford University kuBritain. Va Zamchiya vanoti ichokwadi kuti hapana chakanyoreranwa pasi pakati pevatungamiri vevaimbova varwiri verusununguko ne Britain.

Asi mukutaurirana Britain neAmerica dzinonzi dzainga dzati dzichazobatsira nemari yekutenga minda kuitira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvigariswe patsva. Vatiwo Britain iri kuhwanda nemunwe pamusoro penyaya iyi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuZanu PF pamusoro pezviri kutaurwa nenhengo dzeparamende yekuBritain.

XS
SM
MD
LG