Accessibility links

Breaking News

Brigadier General Nyikayaramba Votyisidzira Zvakare VaTsvangirai


Zimbabwean PM and MDC President Morgan Tsvangirai speaks during a press conference in Harare following the arrest of Energy minister and MDC member, Elton Mangoma, March 10 2011
Zimbabwean PM and MDC President Morgan Tsvangirai speaks during a press conference in Harare following the arrest of Energy minister and MDC member, Elton Mangoma, March 10 2011

Brigadier General Douglas Nyikayaramba vakuchidzirazve moto munyaya dzezvematongerwo enyika vachitsvinyira mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, kuti havasi munhu wekumisidzana naye munyaya dzezvematongerwo enyika, nekuti muvengi angovhiringidza nyika.

VaNyikayaramba vakaudza bepanhau reHerald kuti VaTsvangirai vari kushandiswa nevekunze mukuedza kupidigura hurumende nechisimba. Vatiwo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vacharamba vachitonga kudzamara vafa.

Vati havasi kuzobuda muchiuto kuitira kuti vapinde munyaya dzezvematongerwo enyika vachiti hondo yavo naVaTsvangirai icharamba ichiitika ivo vari muchiuto.

Mashoko aya anotevera zvakataurwa naVaTsvangirai kuvatsigiri vavo kuGweru nesvondo. VaTsvangirai vakati vakuru vemauto kana vachida zvematongerwo enyika, vanofanirwa kusiya basa voita zvematongerwo enyika.

Vachitaura neChitatu kuBarcelona, kuSpain kumusangano weJustice Forum, VaTsvangirai vakadzokorora zvakare mashoko ekuti vamwe muchiuto vari kuzvidza hurumende nekupindira kwavari kuita munyaya dzezvematongerwo enyika.

Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaudza Studio7 kuti mashoko aVaNyikayaramba haarevi kuti ndidzo pfungwa dzeZimbabwe National Army, asi kuti ipfungwa dzavo vega.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti VaNyikayaramba vari kushandiswa nevamwe vanhu vasingadi kuzivikanwa vari muZanu PF.

Nyanzvi munyaya dzechiuto, VaMartin Rupiya, avo vanotungamira sangano reInstitute for Security Studies ku South Africa vanoti vakuru veZanu-PF vanofanira kumisa VaNyikayaramba kutaura mashoko akadai.

XS
SM
MD
LG