Accessibility links

Breaking News

Vanyori veMabhuku Vochemachema Sezvo Zvinyorwa Zvavo Zviri Kutengeswa Mumikoto


T K Tsodzo
T K Tsodzo

Vanyori vemabhuku vakawanda vanoti mabhuku avo anofanirwa kutengeswa munzira zviri pamutemo kwete zviri kuitika pari zvino.

Vachitaura pamusangano wavaita muHarare, vanyori vabvumirana kuti dambudziko rekutengeswa kwemabhuku avo zvisiri pamutemo hariperi sezvo kuine vanhu vanoda kutenga mabhuku aya nemari shoma.

Mumwe munyori, Muzvare Monica Mpambawashe, vati panofanirwa kuve nemigwagwa inotengeserwa mabhuku zviri pamutemo sezvinoitika kune dzimwe nyika.

Muzvare Mpambawashe vati vanotengesa mabhuku mumigwagwa vanofanirwa kutopihwa mabhuku nevanodhinda, uye munyori webhuku achizviziva kuti anotengeswa nemari yakadii.

Muzvare Mpambawashe vati vanodhinda mabhuku vanofanirwa kudhinda nekuburitsa mabhuku akasimba zvakasiyana kuitira kuti bhuku ritengwe nemitengo yakasiyana zvichienderana nekuwana kwemunhu.

Izvi zvatsigirwa nemunyori ane mukurumbira, VaThompson Tsodzo, avo vanozivikanwa nebhuku ravo rinonzi Pafunge, vati pari zvino hapana mari yavari kuwana pamabhuku avo eShona ari kushandiswa muzvikoro.

T K Tsodzo
T K Tsodzo

Mumwe munyori, Lawrence Hova, atiwo vanhu vakawanda vari kushaya mabhuku kwaanotengeswa zviri pamutemo, asi vachizoawana mumigwagwa.

Munyori ane mukurumbira, Shimmer Chinodya, atiwo kuti vechidiki vanyore mabhuku zvine hunyanzvi, vanofanirwa kuti basa ravo riongororwe nevapepeti vemabhuku vane hunyanzvi.

Shimmer Chinodya
Shimmer Chinodya

Chinodya ati vapepeti vakakosha mukunyorwa kwemabhuku.

Vanyori vemuZimbabwe vari kurasikirwa nemari yakawanda sezvo zvinyorwa zvavo zviri kufotokopwa pamwe nekutengeswa zvisiri pamutemo.

Dambudziko iri riri munyika dzakawanda dzichiri kusimukira sezvo pasina mitemo yakasimba inoranga vanotyora kodzero dzevanyori pamwe nevatsikisi vemabhuku.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG