Mvongamupopoto yatanga zvakare muAnglican Church umo mune makakatanwa pakati pevaimbova mutungamiri wechechi iyi muHarare, Bishop Nolbert Kunonga, nemutungamiri mutsva we Anglican Church muHarare, Bishop Chad Gandiya.
Va Kunonga, avo vakambobuda vega muchechi iyi, vakazoti vadzokazve, vanonzi vari kumbunyikidza vatenderi vasiri pasi pavo vachivarambidza kupinda svondo sematarirwo azvakaitwa nemutongi wedare reHigh Court, Amai Rita Makarau, avo vakati mativi maviri ose awane mukana wekupinda svondo nguva dzakasiyana.
Zvinonzi vanhu vakatadziswa kupinda svondo kwaMurehwa, muHarare nedzimwe nzvimbo nechikwata chaVa Kunonga, icho chakashandisa mapurisa kuita izvi.
Zvinonzi vanhu ava vakadzingwa nemapurisa ayo anonzi aiiti aive netsamba dzedare dzakapa VaKunonga mvumo yekutora zvivakwa zvechechi pamwe nezvikoro.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa.
Father Paul Gwese ndivo vari kutaura vakamirira Bishop Gandiya. Va Gwese vanoti vaenda kumapurisa nekumatare vachitsvaga matsamba ari kushandiswa naVa Kunonga kuvadzinga mumachechi, asi vaashaya.
Va Gwese vanoti chido chavo kuti vanamate pasina anovambunyikidza.
Ukuwo Bishop Alfred Munyanyi, avo vari kutaura vakamirira Va Kunonga, vanoti vatenderi veku Church of the Province of Central Africa, vanofanira kunopinda svondo pamwe navo, izvo zvarambwa naVa Gwese.