Accessibility links

Breaking News

Vanhu muBulawayo Vozeya Dambudziko reMagetsi


Less than four percent of the nation's electricity demand is met with renewable sources like solar and wind power.
Less than four percent of the nation's electricity demand is met with renewable sources like solar and wind power.

Boka rinoona nezvemiteno yezvinhu munyika riri kufamba mumaguta richinzwa pfungwa dzavanhu panyaya yemagetsi

Boka rinoona nezvemitengo yezvinhu munyika, re Competitions and Tarrifs Commission, ranga riri muBulawayo neChipiri richinzwa zviri kuitika panyaya yemagetsi munyika.

Musangano uyu wapindwa nevagari vemuBulawayo, pamwe nemasangano akasiyana siyana. Vanhu ava vanga vachiisa pfungwa dzavo panyaya yemagetsi, ayo ari kugara asipo munyika nguva zhinji.

Kambani yehurumende inoona nezvemagetsi, ZESA, yakaburitsa gwaro svondo rapera ichiti iri kugadziridza Kariba Power Station, kuitira kuti vanhu vawane magetsi munguva dzose.

Mapurisa anonzi ambochengetedza nhengo mbiri dze WOZA dzange dzakamira panze penzvimbo yanga ichiitirwa musangano. Asi nhengo idzi dzazosiiwa dzichienda, sezvo panga pasina mhosva yadzapara.

Mumwe wevanhu vanga vari kumusangano uyu, mutungamiri weWOZA, Amai Jenni Williams, avo vaona kunetswa kwaitwa vamwe vavo nemapurisa.

Amai Williams vanoti vashandi veZESA vanga vari pamusangano vati magetsi ari kushaikaw munyika nekuti vanhu havasi kubhadara mari dzekushandisa magetsi, uye hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka.

ZESA inonzi yati iri kunetsekana nekuwana mari, sezvo vanhu vari kuomerwa nekuwana mari yekuAmerica iri kushandiswa munyika.

VaMartin Mkweshi inyanzvi munyaya dzemagetsi. VaMkweshi vanoti zvichatora nguva zvinhu zvisati zvanaka sezvo Zimbabwe yanga yakatemerwa zvirango zvehupfumi, izvo zviri kupa kuti inetseke mukufambisa mabasa ayo.

XS
SM
MD
LG