Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaMugabe Unosvika muZimbabwe


A coffin carrying the body of Zimbabwe's former ruler Robert Mugabe arrives from Singapore, at the RG Mugabe International Airport in Harare, Kenya. Wednesday Sept. 11, 2019. T
A coffin carrying the body of Zimbabwe's former ruler Robert Mugabe arrives from Singapore, at the RG Mugabe International Airport in Harare, Kenya. Wednesday Sept. 11, 2019. T

Mutumbi wevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe wasvika muHarare nhasi kubva kuSingapore uko vakashaikira musi weChishanu wapera.

Mutumbi waVaMugabe wasvika muHarare uchiperekedzwa nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, avo vange vakafuka jira dema.

Asi kunyange hazvo mutumbi uyu wasvika neChitatu masikati, hapana zvekare kuziviswa kuti ucharadzikwa kupi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnagagwa, vati VaMugabe vacharadzikwa nemusi weSvondo asi havana kuzivisa kuti kupi.

VaMnangagwa varemekedzawo VaMugabe semunhu ainge akazvipira uye anofanira kupihwa chiremera chepamusorosoro.

Pane mashoko ekuti vamwe vemhuri yaVaMugabe havasi kuda kuti varadzikwe kumarinda eHeroes Acre muHarare vachiti vanoda kuti varadzikwe kumusha kwavo kwaZvimba kuMashonaland West.

Pamhuri yaVaMugabe hapana ataura asi VaMnangagwa nemumwe mufundisi asina kudomwa nezita, ndivo vataura, mufundisi vachinamata.

Vanhu vauya havo kuzotambira mutumbi waVaMugabe asi vange vari vashoma pane vange vachitarisirwa. Vanhu vanodarika mazana mana ndivo vauya chete.

Vakawanda vange vakapfeka hembe dzine mufananidzo waVaMnangagwa. Vashoma ndivo vange vakapfeka hembe dzine mifananidzo yaVaMugabe idzo dzange dziri tsaru.

Vatori venhau vakawanda vauya kuchiitiko ichi.

Mutumbi waVaMugabe waendeswa kuOne Commando Barracks kwemaminetsi gumi nemashanu kunoonekana nemauto usati waenda kunorara kumba kwavo kuBorrowdale Brooke kunozivikanwa nekuti Blue Roof.

Mitumbi yemamwe magamba inorara kuOne Commando asi zvinonzi mhuri yaVaMugabe haina kuda kuita izvi.

Mangwana nemusi weChishanu mutumbi uyu uri kutarisirwa kuendeswa kuRufaro Stadium kunoonekana neveruzhinji.

Nemusi weMugovera uri kutarisirwa kuendeswa kunhandare yeNational Sports Stadium vasati varadzikwa nemusi weSvondo.

VaMugabe vakashaya vava nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu, uye vasiya mudzimai, Amai Grace Mugabe, vana vatatu, Amai Bona Mugabe Chiokore, Robert Junior pamwe naChatunga Bellarmine.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG