Accessibility links

Breaking News

Bishop Muzorewa 85, Vanoshaya neChirwere cheGomarara


Bishop Abel Muzorewa, member of executive council and leader of UANC, shows voters how to vote by signing a cross near crest of his party during Rhodesian general elections, 19 Apr 1979
Bishop Abel Muzorewa, member of executive council and leader of UANC, shows voters how to vote by signing a cross near crest of his party during Rhodesian general elections, 19 Apr 1979

Vakava mutungamiri wechitema wekutanga wenyika munguva yeZimbabwe Rhodesia, Bishop Abel Muzorewa, vakashaya neChina kumba kwavo kuBorrowdale muHarare mushure mekurwa nechirwere chegomarara.

Veruzhinji vaswera vachinyaradzana nemhuri yaVaMuzorewa.

Vari kutaura vakamirira mhuri yekwaMuzorewa, uye vari mwana wemushakabvu, VaTanyaradzwa Muzorewa, vati Bishop Muzorewa vakarwara kwenguva refu nechirwere chegomarara.

Vati VaMuzorewa vakamboendeswa kunorapwa kuAmerica asi madhokotera akakundikana sezvo chirwere changa chakomba mavari.

VaTanyaradzwa Muzorewa vati baba vavo vakashaya panguva iyo mhuri yavo yaive yakamirira mutumbi wemunin'ina wemufi, uyo akashayikira kuAmerica.

Amai Judith Mutamba, avo vaienda kukereke pamwe chete na Bishop Muzorewa, vati rufu urwu rwasiya gwanza risingakwanise kuvharwa chero nani zvake.

VaTanyaradzwa Muzorewa vati mutumbi wemunin'ina waBishop Muzorewa, wakatarisirwa kusvika munyika neMugovera kubva kuAmerica wozovigwa musi weSvondo.

Mutauriri wemhuri ati mutumbi waBishop Muzorewa uchaendeswa kumba kwavo kuBorrowdale musi wa 16 Kurume, wozosimuka wakananga kwaMutare kwavachanovigwa.

Vati VaMuzorewa vacharara muchechi kwaMutare musi wa 16 Kurume vasati varadzikwa parutivi pemudzimai wavo muzuva rinotevera racho.

Bishop Muzorewa vakaberekwa musi wa 14 Kubvumbi 1925. Vakadzidzira hudzidzisi, vakava mudzidzisi paMurehwa kubva muna 1943 kusvika 1947, vasati vapinda mubasa rezvamwari. Vakazogadzwa semufundisi akakwana muna 1953.

Mushure mezvo, vakazoita zvidzidzo zvepamusoro zveMaster of Arts paChristian Education Scarritt College mu Nashville kuTennesse muAmerica. Muna 1968, VaMuzorewa vakava mukuru weUnited Methodist Church muZimbabwe, munguva yeRhodesia.


Muna 1971, VaMuzorewa vakaita chibvumirano naVa Ian Douglas Smith, avo vaive mutungamiri wehurumende yevachena, kuti pave nehurongwa hwekuti munyika muve nemutongo wegutsaruzhinji.

VaMuzorewa vakabva vabatana namuchakabvu Reverend Canaan Banana mukuumba bato re United African National Council. Muna 1978 Bishop Muzorewa namuchakabvu Ndabaningi Sithole, Jeremiah Chirau na Ian Smith, vakaita chibvumirano chehurumende yemushandira pamwe. Vakazosarudzwa musarudzo dzisina kukwikwidzwa nevairwa hondo yerusununguko kuva mutungamiri we Zimbabwe Rhodesia muna 1979.

Asi hurumende iyi haina kugara kwenguva refu, zvichitevera chibvumirano che Lancaster House Agreement muna Zvita 1979. Sarudzo itsva dzakaitwa muna Kukadzi 1980, idzo dzakaona mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vachisarudzwa semutungamiri mutsva, bato raVaMuzorewa rikawana zvigaro zvitatu chete muparamende.

Vakambosungwa nehurumende yaVaMugabe muna 1983, vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende. Vari muhusungwa, VaMuzorewa vakaramwa chikafu kwemazuva masere, vachinyunyuta nekusungwa kwavakanga vaitwa.
VaMuzoerwa vasiya vana vana, vakomana vatatu nemusikana mumwe chete.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwe enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, Va John Makumbe, vanoti VaMuzorewa vakaita basa guru munguwa iyo varwiri verusununguko vaiedza kupedza hutongo hweudzvanyiriri.

Mashoko aya atsigirwawo naVaForbes Matonga, avo vanopinda chechi yeUnited Methodist. VaMatonga vanoti nyika yarasikirwa zvikuru nekushaya kwaVaMuzorewa.

Muimbi ane mukurumbira munyika, Thomas Tafirenyika Mapfumo, uyo akashorwa zvikuru nevarwiri verusununguko apo akaimbira Bishop Muzorewa kuBarbourfield Stadium munguva yehondo, anoti akamanikidzwa kuita izvi. Asi Mapfumo anoti zvisineyi nezvakaitika, VaMuzorewa chizvarwa cheZimbabwe chinofanirwa kuremekedzwa.

XS
SM
MD
LG