Accessibility links

Breaking News

Bhajeti raVaMthuli Ncube Rotambirwa Zvakasiyana muNyika


Mthuli Ncube, Zimbabwe’s finance minister in Harare, insists Oct. 25, 2018, that the bond notes will remain at par with the U.S. dollar, though on the market it continues to lose value and is now trading close to 4 to 1 U.S. dollar.

Bhajeti rakaparurwa nemusi weChina negurukota rezvemari iro ramirira kuti ritambirwe nedare reparamende riri kutambirwa zvakasiyana munyika.

Nyanzvi munya dzezvehupfumi vachishanda nesanagano reLabour and Economic Development Research Institute Zimbabwe Doctor Prosper Chitambara vanoti Bhajeti iri rine zvimwe zvakanaka zvimwe zvisina. Vati zvakanaka inyaya yekuyedza kudzikisa mari inoshandiswa nehurumende. Asi vatiwo zvimwe zviri kutaurwa zvinotoomesera vashandi.

Mutauriri wesangano rinomiririra vadzidzisi vekumaruva, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaChoose Kasongo vakaburitsawo gwaro vachishora bhajeti iri.

Murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reWomen’s Academy for Leadership and Political Excellence, Muzvare Stabile Dhewa vanoti vanofara nekuwedzerwa kwe mari kune zvezvidzidzo asi vachichema chema kuti mauto anongopihwa mari yakawanda chero muZimbabwe musina hondo.

Nyanzvi munya dzezvematongerwo enyika, vachidzidzisa paArmhest College Massachussets, muAmerica Muzvinafundo Chipo Dendere vashora kuda kuvharwa kwe mizinda inomiririra Zimbabwe kunyika dzekunze vachiti hakuna nyika inokoshesa kudyidzana nedzimwe isina vamiriri vakawanda.

Iri ndiro bhajeti rekutanga raMuzvinafundo Ncube kubva vagadzwa segurukota rezvehupfumi gore rino. Parizvino nyika yakaremerwa nezvikwereti ne kudhura kwezvinhu muzvitoro. Mubvunzo une vazhinji ndewekuti Muzvinfundo Ncube vachabudirira here kana kuti kwete kuvandudza zvinhu munyika izvo zviri kuomera vazhinji zuva rimwe nerimwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG