Accessibility links

Breaking News

VekwaCharumbira Vopengera Hurumende Zvichitevera Hurongwa hweKugadza VaTafirei Bere huMambo kuMasvingo


Charumbira Clan
Charumbira Clan

Masabhuku abatana nevagari vemunharaunda yaIshe Charumbira vachiratidzira pamahofisi yegurukota reMasvingo, vachitsutsumwa nedanho rakatorwa nehurumende rekugadza Ishe Bere avo vavanoti vari kuvatorera nzvimbo yavo yavakasiirwa nemadzitateguru avo. bere chieftainship stirs bitter controv

Vanhu vari munharaunda yaIshe harumbira vanoti kugadzwa kwaIsheBere nemusi we China, Nyamavhuvhu 30, kune zvemutongerwo enyika uye vanoti zvinoda kuputsa hushe hwavo.

Vanhu ava vanoti hurumende ikasamisa hurongwa uhu, havasi kuzotendera kuti ivhu ravo ritorwe vachiti panogona kudeuka ropa.

Mumwe wemasabhuku aya, VaJabulani Mbetu, vanoti havasi kuzotarisa nyika yavo ichitorwa uye vari kupomera nhengo yeparamende yeMasvingo South, VaEzra Chadamira, mhosva yekukonzeresa zvese izvi.

VaMbetu vati vasiya gwaro renyunyuto rekuti kugadzwa uku kumiswe.

Mutauriri wemhuri yekwa Ishe Charumbira, VaTachiona Chiminya, vati dai hurumende yambomisa chirongwa ichi kuitira kuti munyika musaite kusagadzikana.

Mutauriri waIshe Bere, VaJoseph Rangwe, vaudza Studio7 parunhare kuti hurongwa hwekugadzwa kwaIshe wavo huri kunderera mberi nekuti hurumende yakatosaina mapepa ekuti vagadzwe.

Vatiwo vanhu vekwaCharumbira vakatotanga kushungururdza vanhu vavo asi vari kuenderera mberi zvakadaro vachiti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakatosaina mapepa ehushe hwavo.

Asi Shabhuku Owen Mudhenge vanoti izvi hazviitwe, uye vashoropodza VaChadzamira, avo vanovazve sachigaro weZanu PF muMasvingo mhosva yekupindira munyaya iyi.

Asi VaChadzamira varamba nyaya iyi parunhare vachiti vari kupomerwa mhosva yavasingazivi.

Vekwa Ishe Charumbira vanoti nzvimbo iri kuda kutorwa ine marinda avo nekudaro vachachengetedza ivhu revadzimu vavo kuti risatore nevekwaBere, avo vanoda kutora nzvimbo dzakaita seBhuka, Mhungudza, Nemamwa pamwe neGokomere kuZimuto.

Ishe Charumbira havana kubatika parunhare kuti vatipe divi ravo pamakakatanwa aya.

Hushe hwekwaBere hwakabviswa nehurumende yevachena muna 1924, asi hushe uhu hwakaramba huine mutauro kwemakore makumi mapfumbamwe nematatu.

Nyaya yehushe iyi yakasvika kumatare, ayo akati Ishe Bere vakanga vasina kodzero yekuva Ishe wenzvimbo iyi.

Asi hurumende yakagadza komisheni yaitungamirwa naReverend Paul Damasani, iyo yakaita ongororo yakabuda nechisungo chekuti hushe uhu hwaifanirwa kumutsurudzwa.

Mushure mekomisheni iyi, hurumende yakaenderera mberi nekugadza hushe hwekwaBere, mushure mekunge VaTafirei Bere vadomwa musi wa 5 Chikunguru kuti ndivo vachagadzwa humambo.

Asi vamwe vekwaBere, kusanganisira Ishe Zimuto, vari kupikisa kudomwa kwaVaTafirei Bere samambo anofanirwa kugadzwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG