WASHINGTON —
Komiti yedare reparamende inoona nezvekufambiswa kwemari nhasi yange ichibvunzurudza bazi rezvehupfumi nemafambisirwo emari apo papuda mashoko ekuti mabhiriyoni akawanda haasi kufambiswa zvakanaka.
Sachigaro wekomiti iyi VaTendai Biti veMDC vange vachitatsurana nemukuru wezvekufambiswa kwemari mubazi rezvemari VaZvinechimwe Ruvinga Churu avo vange vongokakama vachitadza kupindura mibvunzo yekuti sei vakasungirira mari pagumbo rengwe sezvo vange vasingakwanise kutaura kuti ndiyani akapihwa mari yacho zvikuru yainzi yaineda kuchirongwa chekurima kana kuti “command agriculture.”
Hatina kukwanisa kubata VaChuru kana gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.
Facebook Forum