Accessibility links

Breaking News

Bazi Rezvehutano Rokurudzira Vabereki Kuti Vabaise Vacheche Nhomba Dzinovadziviria Kubva KuMabayo


Bazi rezvehutano rinoti riri kufara zvikuru nemafambiro ari kuitwa chirongwa chekubaya mhomba itsva kuvana vacheche.

Nhomba iyi inodzivirira vana vadiki kuzvirerwe zvaita semabayo nemenengitis. Chirongwa ichi chakatanga Chishanu svondo rapera nyika yose. Vanowona nezvemafambisirwo echirongwa ichi mubazi reZvehutano, amai Mary Kamupota, vanoti pamusoro penhomba iyi, vana vacheche vakatanga kupihwa mahealth card matsva achange achipa nhoroondo yekukura kwemwana komana zvakasiyana nemwanasikana.

Amai Kamupota vanoti vabereki vanofanirwa kuendesa vana vavo vari pasi pemasvondo gumi nemana kuti vanobaiwa nhomba iyi, iyo inobaiwa pachena kumakiriniki kana muzvipatara.

Amai Kamupota vaenderera mberi vachiti bazi ravo rine zvirongwa zvekufamba mumaruva kamwechete pamwedzi vachipamukana kune vabereki vasinga kwanise kuenda kumakiriniki nezvipatara kuti vabaise vana vacheche nhomba idzi.

XS
SM
MD
LG