Accessibility links

Breaking News

Gwirikwiti Rouraya Vana kuMashonaland Central


Chirwere chegwirikwiti chinonzi chasimudza musoro zvakare mudunhu reMashonaland Central apo chinonzi chauraya vana vanodarika makumi masere mumasvondo maviri apfuura.

Bepanhau reHerald rinoti bazi rezvehutano rabvuma kuti rava nemashoko ekuti kuMashonaland Central kwaita chirwere ichi.Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera.

Asi gavhuna vedunhu reMashonaland Central, VaMartin Dinha, vanoti chirwere ichi chiri kunyanya kupararira muvanhu vechitendero chechipositori avo vanoramba kutambira mishonga yechirungu vachiti haienderane nechitendero chavo. VaDinha vanoti vashandi vehofisi yavo ndivo vakatanga kunzwa nezvechirwere ichi, uye kufa kwevana, asi vechitendero chechipositori vachiedza kuvigiridza ndufu idzi.

Sangano reUNICEF rinoti richiri pakati pekuongorora nyaya iyi. Hurumende yakaita chirongwa chekubayisa vana majikiseni kuitira kuti vasabatwe nezvirwere zvakaita segwirikwiti nezvimwe. Asi dambudziko rakasangana nehurumende raive revana vemapositori avo vainge vasingabayiswe majekiseni aya nevabereki vavo.

XS
SM
MD
LG