Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshushikana neNyaya yeManyoka Anetsa Munyika


Bazi rehutano rinoti riri kushushikana nedambudziko remanyoka riri kuramba richienderera mberi munyika.

Vana vanosvika gumi nevatatu vanonzi vakafa nechirwere chemanyoka muKwekwe. Chirwere ichi chiri kunyanya kubata vana vadiki.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti marara asiri kuraswa zvakanaka, pamwe nekushaikwa kwemvura yakachena, zvinhu zviri kuita kuti manyoka apararire munyika.

Mukuru anowona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rehutano, Dr Portia Manangazira, vanoti bazi ravo riri kushushikana nekuti makanzura mazhinji akavaudza kuti haakwanisi kubvisa marara mumatunhu avo nekuti makanzuru haana mari yakakwana nezvimwe zvinodiwa.

Dr Manangazira vanoti bazi ravo richaramba richiita kurudziro kuti vanhu vashandise mvura yakachena nguva dzose.

XS
SM
MD
LG