Accessibility links

Breaking News

Republican Party Inotora Dare re House of Representatives muAmerica


Bato re Republican Party ndiro rava kutonga mudare re House of Representatives. Bato iri rikahwina zvigaro zvinosvika makumi matanhatu kubva pazvigaro makumi matatu nezvipfumbamwe zvaraida kuti ritonge mudare iri pamusoro pezvigaro zvaranga rinazvo kare mudare iri.

VaJohn Boehner ndivo vari kutarisirwa kutungamira bato reRepublican Party mudare reHouse of Representatives, vachitora basa ranga richiitwa naAmai Nancy Pelosi vebato reDemocratic Party.

Asi bato re Democratic Party richaramba richitonga mudare reseneti, zvichitevera kukunda kwaraita musarudzo yenhengo dzedare iri. Kunyange hazvo bato re Republican rakakwanisa kuwedzera zvigaro zvaro zvemuseneti nezvigaro zvitanhatu, harina kukwanisa kutora dare iri.

Vanga vachitungamira bato re Democratic Party museneti, Va Harry Reid, vakakwanisa kuhwina chigaro chavo ku Navada, icho chaikwikwidzwawo nenhengo yeRepublican, Sharron Angle, avo vaifungidzirwa kuti vangangokunde VaReid.

Imwe nhengo yeRepublican Party mudare re House of Representatives, Va Eric Cantor, vanoti sarudzo idzi dzinoratidza kuti vanhu havasi kufara nezviri kuitwa nehurumende yaVa Barack Obama.

VaObama vabvuma kuti bato ravo rakakundwa zvakanyanya. Vachitaura nevatori venhau vari pamuzinda wavo weWhite House, vati vanotambira kuti kusimukira kwehupfumi hakuna kuitika nechimbi chimbi, vachiti vachatsvaka nzira dzinosimudza hupfumi vachinzwawo zvinofungwa neRepublican Party.

Vatiwo zvabuda musarudzo zvinoreva kuti hapana bato richaita zvehumbimbindoga, vachiti zvichanetsa kuti zvinangwa zvavo zvibudirire kana vasina rutsigiro rwebato reRepublican.

Chimwe chizvarwa chimuZimbabwe muAmerica, Doctor Douglas Mpondi, vanoti bato remaDemocrats rakundwa musaraudzo nekuti vanhu vanonokerwa neshanduko pasi pehurumende yaVaObama.

VaMpondi, avo vanodzidzisa zvematongerwo enyika pamwe netsika dzemuAfrica paColumbus State Community College, vanoti kukunda kwebato Republican Party hakuzi kuzonyanyo chinja pamire America panyaya yeZimbabwe.

XS
SM
MD
LG