Accessibility links

Breaking News

Bato reProgressive Democrats of Zimbabwe Rinoti Mitemo yeSarudzo Ngaivandudzwe


Mutungamiri weProgressive Democrats of Zimbabwe Muzvare Barbara Nyagomo.
Mutungamiri weProgressive Democrats of Zimbabwe Muzvare Barbara Nyagomo.

Mutungamiri webato rinopikisa, re Progressive Democrats of Zimbabwe, Muzvare Barbara Nyagomo, vanoti pane zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena dzine runyararo.

Vatiwo hurumende inofanirwa kugadzirisa mitemo kuti ifambirane nezvinodiwa kuti pasava nekupopotedzana, gakava, kurwisana uye kubiridzira mukati mesarudzo dziri kuuya.

Vanotiwo bato ravo harifari nekushayiswa mikana yakaenzana nemamwe mapato, zvikuru riri kutonga re Zanu PF mukuzvishambadza mudzinhepfenyuro nemumapepanhau ehurumende ari munyika, izvo zvavati zvinofanira kuti zvigadziriswe.

Muzvare Nyagomo vati vanodawo kuburitsa zvirongwa zvavo mudzinhepfenyuro nemapepanhau ehurumende, asi havasi kupihwa mikana yekuita izvi.

Muzvare Nyagomo vati vari mubishi rekugadzira gwara rebato ravo, manifesto, kuitira kuti vatsigiri vavo vazive zvinomirira bato ravo.

Vatiwo vari kushanda nemamwe mapato anopikisa mumibatanidzwa yakasiyana siyana kuedza kutsvaga nzira yekuti vakunde bato riri kutonga pari zvino.

Hurukuro naMuzvare Barbra Nyagomo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG