Accessibility links

Breaking News

Baba neMwana Vokonzera Mutauro nekuHwina Makwikwi ekwaTM Supermarkets kuChinhoyi


Clinton Mandla

Kuhwina makwikwi eTM Bonanza promotion kwababa nemwana ane makore mashanu kokonzeresa mutauro muChinhoyi vamwe vachiti vanoshandisa mushonga kuti vahwine.

VaClifton Mandla nemwana wavo Clinton ane makore mashanu ndivo vakahwina mibairo mukuru yeTM Bonanza promotion yakaitwa muChinhoyi neMugovera.

Clinton akahwina mubairo mukuru wemari inosvika zviuru gumi, baba vake avo vanogaro vachihwina mibairo pachitoro cheTM muChinhoyi vakahwina zviuru zvishanu zvemadhora. Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti VaMandla vanoshandisa mushonga wekuti vahwine kana kuti vanorotswa.

Amai Sobangile Kamudyariwa mumwe wevanofunga kuti VaMandla vanoshandisa mushonga kuti vahwine.

Amai Kamudyariwa vanoti chimwe chinoshamisa ndechekuti VaMandla vari kuhwina pamakwikwi echitoro chimwechete izvo vanofunga kuti pane chitsotsi chirikuitwa nevashandi veTM.

Asi VaMandla vanoti hapana mushonga wavanoshandisa vachiti vanohwina nekuti vanopinda mumakwiwi ose anoitika muzvitoro.

VaMandla vanoramba kuti vanohwina makwiwi anoitwa muchitoro cheTM chete vachiti vanohwina makwiwi emunezvimwe zvitoro.

VaMandla vakambohwina mamwe madhora zviuru zvishanu mugore ra2016, gore rakapera vakahwina firiji mumakwiwi ekwaTM Bonanza promotion.

Vanoti mari yavahwina vachaishandisa kuvaka imba panzvimbo yavakatenga mushure mukuhwina mari yekutanga uye vanoti vacharamba vachipinda mumakwikwi ekwaTM nemunezvimwe zvitoro.

Kunyange hazvo mutemo unoona nezvekupinda mumakwikwi usingabvimire kuti vana vane makore ari pasi pegumi nemasere vapinde mumakwikwi, chitoro cheTM chakaiswa panguva yakaomwa sezvo vainge vasina kunyora kuti makwikwi aya ayipindwa nevanhu vane makore mangani.

Mukuru anoona nezvekushambadzirwa muzvitoro zvekwaTM Muzvare Paida Moyo vanoti vakaona kukanganisa uku Clinton atohwina vakatya kusamupa mubairo wake sezvo vaizoendeswa kumatare.

Muzvare Moyo vanoti zvekuhwinisa mwana mudiki hazvichaitika zvakare. Zvitoro zvakawanda zvave kuita makwiwi ekuwanisa mibairo kuti vanhu vatenge zvinhu zvakawanda nechinangwa chekuhwina mibairo.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG