Accessibility links

Breaking News

AU Yoronga Kutumira Nhumwa kuZimbabwe?


A handout file photo released by the African Union in Addis Ababa shows the AU flag
A handout file photo released by the African Union in Addis Ababa shows the AU flag

Sangano reAfrican Union rinonzi riri kuronga kutumira nhumwa kuZimbabwe riine chinangwa chekuti muZimbabwe muitwe sarudzo muna 2013.

Nhumwa idzi dzichaenda kuZimbabwe chero nguva mukupera kwemusangano weAfrican Union uri kuitirwa muAddis Ababa kuEthiopia.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti sarudzo dzinofanirwa kuitwa munyika kunyange chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva chisina kupera.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti zviri kurongwa neAfrican Union hazvisi kuzodzosera shure pfungwa dzebato ravo nekuti Zimbabwe inyika ine kodzero yekuita zvainoda.

VaGumbo vanoti Politiburo yeZanu-PF yakatenderana neChitatu kuti haisi kuzodududza panyaya yesarudzo.

Asi masangano akazvimirira oga ari kumusangano weAfrican Union achitungamirwa neCrisis in Zimbabwe Coalition, ichitsigirwa neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, ari kutiwo sarudzo ngadzimbomire kuitwa kusvika zvinhu zvose zvagadziriswa munyika kuitira kuti paitwe sarudzo dzakachena.

Komiti yehutungamiri hweMDC yakakumbira mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, kuti vaite hurukuro nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, kumusangano weku Davos kwavari. MDC iri kuda kuti mhirizhonga imire uye kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vatenda kuti MDC yange ichida musangano uyu asi vati havana chokwadi kuti ungaitwe sezvo VaZuma vari kumhanyira kumusangano weAfrican Union.

Mutaururi weCrisis in Zimbabwe Coaltion, VaPhilip Pasirayi, avo vari muAddis Ababa, vanoti nyika haisati yagadzirira kuita sarudzo, nokudaro VaMugabe neZanu PF yavo vanofanirwa kunzwa zviri kudiwa nevamwe..

XS
SM
MD
LG