Kongiresi yeAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, yapetwa muGweru sangano iri richibuda nezvisungo zvakasiyana siyana kusanganisira kusadzokere kubasa kwevarairidzi panovhurwa zvikoro svondo rinouya.
Musangano uyu wasarudza vatungamiri vatsva vana kuti vave vamwe vevatungamiri vatanhatu vanoumba National Executive Council yesangano iri.
VaObert Masaraure vanoramba vari mutungamiri wesangano iri, ukuwo VaRobson Chere, vari munyori mukuru mushure mekunge vaviri ava vasarudzwa pasina avakwikwidza.
Aitwa mutevedzeri waVaMasaraure, ndiMuzvare Gaudencia Mandiopera; ukuwo vasarudzwa kuva mutevedzeri waVaChere, ndiVaMunyaradzi Masiyiwa.
Asarudzwa kuvamutauriri weArtuz ndiVaNation Mudzitirwa, ukuwo Muzvare Brenda Musavengana vaitwa mubati wehomwe.
Mutungamiri weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaPeter Mutasa, avo vange vari munyarikani pamusangano uyu, vakorokotedza ARTUZ nekukwanisa kuita kongiresi yayo zvisinei nekuoma kwakaita zvimhu.
Vatiwo zvakakosha kuti vashandi vose munyika vabatane kuti vakwanise kubuda mumatambudziko avari.
VaMasaraure vabvuma kuti kubatana kwakakosha vakati sangano ravo richaramba richiedza kushanda nemamwe masangamo kuti kubatana uku kuvepo.
VaChere vaudza Studio7 kuti chimwe chezvisungo zvabuda ndechekuti varairidzi havazi kuzodzokera kuzvikoro pazvinivhurwa asi vati izvi hazvirevi kuti vari kuramwa mabasa.
Vamwe varairidzi vange vari pamusangano uyu vaudza Studio7 kuti vanotsigira zvizere zvisungo zvabuda izvi.
Muzvare Mary Mupatsi, avo vanodzidzisa kuSilobela, vati varairidzi vekumaruwa vari kurarama hupenyu hwakaoma.
Sangano reARTUZ rakavambwa mugore ra2014, uye kongiresi inotevera ichaitwa mushure memakore mashanu.
Facebook Forum