Accessibility links

Breaking News

ARTUZ Yoita Kongiresi Yayo VaMasaraure Vachidzoserwa paChigaro Chavo


Obert Masaraure
Obert Masaraure

Kongiresi yechipiri yesangano reAmalgamated Rural Teachers of Zimbabwe, ARTUZ, yatanga muGweru neChitatu pachiitwa sarudzo yezvigaro zvevamwe vatungamiri uye paine tarisiro huru kubva kunhengo dzakawanda yezvisungo zvakajeka zvekuti matambudziko akatarisana nevadzidzisi munyika ogadziriswa sei.

Mutungamiri wesangano reARTUZ, VaObert Masaraure, vatsanangura kuti pazvigaro zvitanhatu zvehutungamiri hwesangano iri kana kuti National Executive Council, pachaitwa sarudzo pazvigaro zvina.

Ivo VaMasaraure pachavo pamwe nemunyori mukuru wesangano iri, VaRobson Chere, vakadomwa nematunhu esangano iri kuti vadzokere pazvigaro zvavo pasina anovakwikwidza.

Zvigaro zvine vanhu vari kukwikwidza zvinosanganirira chegaro chemutevedzeri wemutungamiri weArtuz, mutevedzeri wemunyori mukuru, chigaro chemubati wehomwe, pamwe nechemutauriri wesangano.

VaMasaraure vatiwo pachaitwa sarudzo dzevanyori vemakomiti achatungamira mabasa akasiyana-siyana musangano ravo mushure mekunge kongiresi yavo yaona kuti ndeapi mabasa akakosha achaitwa mumakore mashanu anotevera.

VaMasaraure vati panopera musangano uyu mangwana pachabuda zvisungo zvakasiyana-siyana vakatiwo vanotarisira kuti chisungo chakatorwa neNational Executive Council chekuti vadzidzisi vasaenda kumabasa panovhurwa chikoro, ndechimwe chichazeiwa zvizere.

Dzimwe nhengo dzesangano iri dzataura neStudio7 dzati dzinotarisira kuti pamusangano uyu pachabuda zvisungo zvakajeka uye zvakasimba zvekuti vadzidzisi votora gwara ripi pamusoro pemari shoma yavanotambira uye mashandiro avo.

Imwe yenhego idzi ndiMuzvare Moreblessing Nyambara avo vati musangano uyu wauya panguva yakanaka chaizvo sezvo zvikoro zvichivhurwa svondo rinouya.

Imwezve nhengo, Muzvare Bernadette Mugazi, vati vanotarisirawo kuti musangano uyu ubude nechisungo chakajeka chekuti ndezvipi zvingaitwe kuti vadzidzisi vose munyika vakwanise kutaura nenzwi rimwe chete zvisinei kuti vari musangano ripi kana kuti vanodzidzisa kupi.

Hurumende yakazivisa mumazuva mashoma apfuura kuti inoda kusangana nerimwe remasangano anomirira vashandi vehurumende reApex Council kuti vazeye nezvemihoro .

Asi VaMasaraure vati misangano yakadai inzira yekuedza kubata vashandi vehurumende kumeso.

Hatina kukwanisa kunzwa kuhurumende kana kune veApex Council panyaya iyi.

Sangano reARTUZ rakavambwa mugore ra2014 rakanyanya kunangana nekumiririra varairidzi vekumaruwa rikave rimwe remasangano mashanu anomiririra varairidzi munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG