Accessibility links

Breaking News

VaNyamande Vanovigwa kwaRusape


Vanga vari mumiriri weMakoni Central mudare reparamende, VaJohn Nyamande, avo vakashaya mutsaona yemotokari neMugovera, vavigwa kumusha kwavo kwaRusape.

VaNyamande, avo vanga vava nemakore makumi mashanu nemanomwe ekuberekwa, vakanga vari nhengo yeMDC muLondon, kuBritain. Vakazodzokera kumusha kunokwikwidza musarudzo dzegore rapera, vakakunda gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa veZanu PF.

VaNyamande vasiya mudzimai nevana vashanu. Vachitaura pakuvigwa kwaVaNyamande muraini rekwaRugoyi, kwaRusape kwakare, mutungamiri weMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakurudzira vana veZimbabwe kuti vagarisane murunyararo, kwete kurwisana nenyaya dzezvematongerwo enyika.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti nhengo dzeZanu PF dzakaita saVaPatrick Chinamasa, pamwe nevatungamiri vematunhu muMDC, ndevamwe vaonekana nemushakabvu.

XS
SM
MD
LG