Accessibility links

Breaking News

VaKhama Voshora VaMugabe Vachiti Havasi Kutevedzera GPA


Mutungamiri weBotswana, VaKhama Ian Seretse Khama, vashora zvikuru mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu-PF, vachiti ndivo vari kutadza kutevedzera chibvumirano che Global Political Agreement, kana kuti GPA.

VaKhama vanoti zviri nani kuti paitwe sarudzo dzakachena muZimbabwe nekuti hapana kubudirana pachena kuri kuitika. VaKhama vataura mashoko aya muparamende yavo apo vanga vachitaura mashoko emamiriro enyika kana kuti State of the Nation.

Botswana iri kubuda pachena kuti haisi kuwirirana nezviri kutaurwa nedzimwe nyika dzemuSADC, dzichitungamirwa neMozambique neSouth Africa, kuti veZanu-PF neMDC vataurirane.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai. VaChamisa vanoti vanobvumirana nemashoko aVaKhama.

Asi mutevedzeri wemutauriri weZanu-PF, VaEphraim Masawi, vati havana chavangataure sezvo vasati vaverenga mashoko aVaKhama.

VaJoy Mabenge vanoongorora nyaya dzezvematongerwo. VaMabenge vanoti mashoko avaKhama anoratidza vana veZimbabwe kuti pane vamwe muSADC vanomira navo.

Zvichakadaro, vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kunyange MDC neZanu-PF vakanzi vataurirane, zvichanetsa sezvo kusawirirana kwatonyanya pakati pemapato aya. VeMDC inotungamirwa naVaTsvangirai vari kuchema nerekuti vechikwata cheMDC chinotungamirwa naVaArthur Mutambara, chave kudyidzana zvakanyanya neZanu-PF.

Vane ruzivo nezvakaitika kumusangano weSADC Troika kuMaputo vanoti VaMutambara vakati hazvikwanisike kuti munyika muitwe sarudzo, kunyange zvinhu zvikaoma sei. Vanonziwo VaMutambara vakawirirana neZanu-PF kuti VaTsvangirai havana zvavari kuita panyaya yezvirango, uye vanonzi vakati America ndiyo iri kupa VaTsvangirai mari yekuita hurumende yeparutivi.

Ukuwo Zanu-PF iri kutsikawo madziro pane zviri kuda kugadziriswa ichiti nyaya yegavhuna webhanga guru renyika, pamwe nemuchuchusi mukuru wehurumende, haifanirwe kubatwa. VaMutambara varamba kutaura nezvenyaya iyi.

Vakatungamira mapato aya mukutaurirana vari kutarisirwa kuita musangano neMuvhuro wekuti vapedze gakava rirpo sekurudziro yeSADC Troika yekuti zviitwe mukati memwedzi mumwe chete.

Vanonzi vakambosangana neChitatu kwemaawa mashoma, asi hapana zvakati tsvikiti zvakabuda, kunze kwekungowirirana kuti varambe vachitaura kusvika paitwa musangano.

XS
SM
MD
LG