Accessibility links

Breaking News

FewsNet rinoti kunyange hazvo chikafu chiri kutarisirwa kuvapo vanhu havana mari yekuchitenga


Sangano re Fewsnet rinoti kunyange hazvo chikafu chiri kutarisirwa kuvapo mumwedzi wa kubvumbi kusvika muna chikumi, vanhu vanosvika 1,7 million havana mari yekutenga chikafu kuitira kuti vararame.

Mugwaro rayo rinoongorora mamiriro anenge akaita nyaya dzechikafu, fewsnet inoti vanhu vakawanda vari kumaruva ndivo vachange vachida mari yekutenga chikafu, asi huwandu hwavo huchadzikira kana vachinge vakohwa muminda yavo.

Nzvimbo dzine dambudziko iri dzinosanganisira Beitbridge, Gwanda, Matobo, Mangwe, Hwange, Chimanimani, Buhera neBikita.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro nemutungamiri weChristian Care, VaForbes Matonga, kuti tinzwe maonero avo pamusoro penyaya iyi.

XS
SM
MD
LG