Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Inoti Nyanzvi Ngadziongorore Mapfupa Anonzi ndeeVanhu Vakafa Muhondo


In this March 18, 2011, photo, a body is brought to the surface at Monkey William Mine about 200 km from Harare. Hundreds of skeletons found at one of the mine shafts have brought a macabre thrust to election campaigning in Zimbabwe, but the putrefying
In this March 18, 2011, photo, a body is brought to the surface at Monkey William Mine about 200 km from Harare. Hundreds of skeletons found at one of the mine shafts have brought a macabre thrust to election campaigning in Zimbabwe, but the putrefying

Sangano re Amnesty International rinoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kubvumidza nyanzvi munyaya dzezvekufukunyurwa kwevanhu vakafa kare kare vakavigwa vakawanda panguva imwe chete.

Sangano iri rinoti riri kuona paterevhizheni mitumbi yevanhu nemapfupa avo achiiswa mumabhegi nevanhu vasina kudzidzira basa iri.

Bato reZANU-PF rinoti mitumbi iri kufukunyurwa iyi ndeye vanhu vakafa munguva yehondo yerusununguko. Izvi zvinotevera mitumbi yevanhu vakafukunyurwa mumugodhi usisashandi ku Mt Darwin mudunhu reMashonaland Central.

Pakatanga chirongwa ichi masvondo apfuura, chichikokerwa nesangano re Fallen Heroes Trust, iro rine nhengo dze Zanu PF, hurumende yakamboti yakanga isingazive nezvechirongwa ichi.

Asi svondo rapera, gurukota rezvemukati menyika, Va Kembo Mohadi, vakaudza vatori venhau kuti hurumende yatora chirongwa ichi kubva ku Fallen Heroes Trust, kuitira kuti ivige zvakanaka mapfupa evanhu vanosvika zviuru zviviri, sezvo zvaiva pasi pebazi ravo reNational Museums and Momuments of Zimbabwe.

Mashoko aVaMohadi atsinhirwa nemumwe wavo, Amai Theresa Makone, avo vatiwo chirongwa ichi chava mumaoko ehurumende, chichikokerwa nebazi ravo.

VaSimeon Mawanza vanoshanda sachipanga mazano musangano re Amnesty International. VaMawanza vanoti zvinhu zvakadai zvinoda nyanzvi kuitira kuti pazivikanwe kuti vakafa ava ndevanani.

MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti ZANU-PF inofanirwa kumisa zvairi kuita zvekufukura mapfupa evanhu ichida kuratidza seine hany’a nevanhu asi iyo yakakundikana kuita izvi kwemakore makumi matatu apfuura. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kweshoko mu MDC-T, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti semaonero avo, vanhu vari kunzi vakafa munguva yehondo yeChimurenga vanogona kuva vari nhengo dzeMDC dzakapondwa muna 2008.

Ukuwo sangano reZIPRA Veterans Trust rinoti rakwidza nyaya yekufukunyurwa kwemapfupa aya mudare repamusoro muBulawayo. Sangano iri rinoda kuti hurumende imise chirongwa ichi munyika yose. Nyaya iyi ichanzwikwa mudare neChina.

Mutevedzeri wemutungamiri we ZIPRA Veterans Trust, Va Baster Magwizi, vanoti sangano ravo rinoda kuti paitwe hurongwa hwakajeka, kwete zviri kuitwa neZanu PF iri muhurumende.

XS
SM
MD
LG