Accessibility links

Breaking News

Apex Council Inoti Inorwa Hondo Dzayo Chete Kwete Dzevamwe


Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, rinoti harineyi nechekuita nekuratidzira kuri kuitwa nenhengo dzesangano revakarwa hondo nevamwewo vanhu, avo vari kuda kuti gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vasiye basa sezvo vari kutadza kuwedzera vashandi vehurumende mari dzemihoro.

Mutungamiri weApex Council, Amai Tendai Chikowore, vanoti sangano ravo hariwirane nepfungwa yekuti zvinetswa zvavo zvigadziriswe nenzira dzezvematongerwo enyika. NeMuvhuro, vanhu vane chitsama vaizviti inhengo dzesangano rakarwa hondo pamwe nevatsigiri veZanu PF, vakaenda kumahofisi aVaBiti vachida kuti VaBiti vawedzere vashandi vehurumende mari, kutadza kwavo kuita izvi vosiya basa.

Amai Chikowore vanoti sangano ravo richabuda chete nezvisungo mushure memusangano uri kutarisirwa kuitwa neChishanu svondo rino pakati pesangano ravo nevamiriri vehurumende.

Zvichakadaro, sangano rinomirira varairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti kuramwa mabasa kuri kuitwa nevarairidzi kuri kubudirira zvikuru sezvo kwabata zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvenyika yose.

Sangano rePTUZ rakashevedzera kuramwa mabasa uku svondo rapera mushure mekunge hurumende yatadza kuwedzera vashandi mihoro mwedzi uno sezvakanga zvakatarisirwa.

Mutungamiri wesangano revakuru vezvikoro, reNational Association of Primary Headmasters, VaPhillip Rudanda, vaudza Studio7 kuti havaoni sekunge kuramwa mabasa uku kuri kubudirira sezvo varairidzi vazhinji vari kuda kutanga vanzwa zvichabuda kumusangano weChishanu.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Studio7 kuti nhengo dzemamwe masangano evarairidzi dzavakupindawo mukuramwa mabasa uku.

XS
SM
MD
LG