Accessibility links

Breaking News

Andy Rinomhota weReading kuEngland Oramba Kutambira maWarriors


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Andy Rinomhota uyo anotambira Reading muEnglish Championship aramba kutambira nyika yemadzitateguru ake yeZimbabwe mumakwikwi eAfcon neWorld Cup.

Maneja wemaWarriors VaWellington Mpandare vanoti vataura naRinomhota kuti auye kuzomirira nyika mumitambo ye Afcon 2021 ne World Cup 2022 asi mutambi uyu aramba . Studio 7 haina kukwanisa kubata Rinomhota kuti tinzwe divi rake.

Mutambi uyu, uyo akaberekerwa muLeeds muEngland anokodzera kutambira Zimbabwe kana England nekuti baba vake ndevemuZimbabwe, amai vake vari vemuBritain.

VaMpandare varikutaura nevatambi varikudiwa kuzotambira Zimbabwe kutanga nemitambo yeAfcon neBotswana musi wa 22 Kurume pamwe neZambia musi wa 30 Kurume.

Mumwe mutambi wemuno McCaulley Bonne we QPR muEnglish Championship imomo haasati abuda pachena kuti anoda kutambira Zimbabwe here kana kuti kwete. Asi VaMpandare vanoti mukana wekuti Bonne atambire nyika wakavhurika.

Asi vamwe vatambi vemuno vakaberekerwa kuEngland vakaita saTendai Darikwa, Kundai Benyu, Jordan Zemura, na Adam Chicken, vakazvipira kutambira nyika.

Munyori wezvemitambo Leopold Munhende anoti murairidzi wemaWarriors Zdravko Lugorusic akakwanisa kuunzirwa vatambi vese vaari kuda Zimbabwe inobudirira kuenda kuAfcon.

Parizvino, Zimbabwe iri pachinhanho chechipiri nemapoinzi mashanu, mapoinzi mashanu pasi peAlgeria iyo irikutungamira gungano iri. Botswana ine mapoinzi mana, Zambia iine mapoinzi matatu. Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinoenda kumafainari.

Zvichakadaro, chikwata cheFC Platinum chakaburitswa mumakwikwi eCaf Confederation Cup mushure mekurohwa zvekare 1-0 neASC Jaraaf yekuSenegal mumutambo wechipiri wakatambirwa kuSenegal kwekare nemusi weSvondo. Mumutambo wekutanga muHarare FC Platinum yakakundwa 1-0 zvekare zvichireva kuti yabuda nezvibodzwa 2-0.

Nyaay Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG