Accessibility links

Breaking News

ANC Inokunda Musarudzo Dzakaitwa muSouth Africa


Supporters cheer South African President Cyril Ramaphosa during an election rally for ruling African National Congress (ANC) ahead of the May 8th general election, in Mitchells Plain near Cape Town, South Africa, May 3, 2019.
Supporters cheer South African President Cyril Ramaphosa during an election rally for ruling African National Congress (ANC) ahead of the May 8th general election, in Mitchells Plain near Cape Town, South Africa, May 3, 2019.

Bato reAfrican National Council, kana kuti ANC, rakunda musarudzo dzemuSouth Africa zvicharipa kuti ritonge kwetemu yechitanhatu.

ANC yakunda zvichitevera kuwana kwayaita zvikamu zvinodarika makumi mashanu nezvinomwe kubva muzana.

Aka ndekekutanga kubva muna 1994 kuti bato iri riwane zvigaro zviri pasi nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

Sangano rinoona nezvesarudzo muSouth Africa, re Independent Electoral Commission, rinoti bato reDemocratic Alliance rawana mavhoti anoita 21.76 per cent, ukuwo bato re Economic Freedom Fighters richiwanawo mavhoti 10.79 per cent.

Zvichitevera kukunda uku, bato reANC riri kutarisirwa kuumba hurumende patsva pasi paVaCyril Ramaphosa, avo vakapinda panyanga mushure mekubviswa kwaVaJacob Zuma pachigaro gore rapera vachipomerwa mhosva yehuori.

Kunyange hazvo ANC yakunda, huwandu hwevatsigiri vayo huri kudzikira zvinonzi nenyanzvi zviri kukonzerwa nehuori hwapfunya chisero mubato iri.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paCape Peninsula, muCape Town, Doctor Trust Matsilele, vanoti kudzorerwa panyanga kweANC kuchaita kuti mhuri yeZimbabwe inogara munyika iyi, itarisane nematambudziko akasiyana siyana.

Imwe nyanzvi, VaGideon Chitanga vepaUniversity of Johannesburg, vanotiwo VaRamaphosa vane ruzivo rwakadzama munyaya dzezvemabhizimisi zvinove zvichayamura kwete South Africa chete, asi kuti nyika dzakawanda dzinosanganisira Zimbabwe.

Zvichakadaro, mhuri yeZimbabwe inogara muSouth Africa, yarumbidza hurumende yeSouth Africa nekuita sarudzo dzine runyararo.

VaMunyaradzi Shoko vati Zimbabwe inofanira kudzidza zvakawanda kubva kusangano rinoona nezvesarudzo muSouth Africa.

Kubva South Africa yawana kuzvitonga muna 1994, yaita vatungamiri mumakore makumi maviri nemashanu vanoti; muchakabvu VaNelson Mandela, VaThabo Mbeki, VaJacob Zuma pamwe naVaRamaphosa avo vari panyanga pari zvino.

VaZuma vasati vapinda panyanga, VaKgalema Motlanthe vakambotonga kwechinguvana zvichitevera kubviswa pachigaro kwakaitwa VaMbeki muna Gunyana 2008.

Asi Zimbabwe yakaita mutungamiri mumwe chete, VaRobert Mugabe, kwemakore makumi matatu nemanomwe, avo vakazobviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi 2017, chigaro chavo chikatorwa naVaEmmerson Mnangagwa, zvinopa kuti Zimbabwe ive nevatungamiri vaviri chete mumakore anoda kusvika makumi mana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG