Accessibility links

Breaking News

VaJoe Biden Vorumbidzwa Zvichitevera Maumbiro Avari Kuita Dare Ravo reMakurukota


FILE - President-elect Joe Biden speaks after the Electoral College formally confirmed his election win, at The Queen theater in Wilmington, Delaware, Dec. 14, 2020.
FILE - President-elect Joe Biden speaks after the Electoral College formally confirmed his election win, at The Queen theater in Wilmington, Delaware, Dec. 14, 2020.

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo, uye vari mudzidzisi paDevry University ku Ohio, Professor Elliot Masocha, vanoti mutungamiri weAmerica achangobva mukusarudzwa, VaJoe Biden, vari kuita basa guru mukuumba dare remakurukota avo nenzira isati yamboitwa munhoroondo yeAmerica.

Professor Masocha vanoti VaBiden vari kuona kuti mudare ravo munenge muine vanhu vemarudzi ose senzira yekuratidza mamiriro akaita zvinhu muAmerica.

VaBiden vari kutarisirwa kutora mhiko yekuva mutungamiri weAmerica musi 20 Ndira 2021, kunyange hazvo mutungamiri weAmerica pari zvino, VaDonald Trump, vasati vatambira kukundwa kwvakaitwa musarudzo yemutungamiri weAmerica.

Kunyange hazvo VaTrump vari kuti sarudzo dzakabiridzirwa, VaMasocha vanoti hurongwa hwekutoresa VaBiden masimba huchaenderera mberi sezvo America iri nyika inoremekedza mitemo yayo.

Professor Masocha vanoti kunze kwedare remakurukota, VaBiden vanofanirwa kugadza vanhu muzvinzvimbo zvepamusoro muhurumende yeAmerica uye vakawanda vari kutarisira kuti VaBiden vachaenderera mberi nekugadza vanhu muzvigaro pakatariswa nyaya yemarudzi, kugona basa kwemunhu, uye kuita zvinhu nenzira isati yamboitwa munhoroondo yeAmerica.

VaBiden vanofanirwa kugadza vanhu pazvinzvimbo zvinosvika zviuru zvina, uye zvimwe zvigaro chiuru nemazana maviri nemakumi mashanu, zvinofanirwa kutambirwa nedare reSenate zviri pamutemo.

Dare reElectoral College rakatotambira kare kuti VaBiden ndivo mutungamiri mutsva.

VaBiden vakashanda semutevedzeri waVaBarack Obama kwematemu maviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG