Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Inoti Zviuru neZviuru zveVanhu Hazvina Magwaro eKuberekwa Kwazvo muZimbabwe


Amnesty İnternational
Amnesty İnternational

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International rinoti pane vanhu vakawanda muZimbabwe vasiri kukwanisa kuwana mabasa, dzidzo pamwe nekurapwa sezvo vasina magwaro ekuzvarwa pamwe nezvitupa.

Gwaro raparurwa nesangano iri nhasi iro riri kudaidzwa kuti “We Are Like Stray Animals” rinoti pane zviuru nezviuru zvevanhu munyika zvisiri kukwanisa kuwana fundo, mabasa pamwe nekurapwa sezvo vanhu ava vasina mapepa ekuzvarwa pamwe nezvitupa.

Gwaro iri rinoti vazhinji vakatarisana nedambudziko iri vanhu vane dzinde kunyika dzakaita seZambia, Malawi neMozambique avo vakauya muZimbabwe vachizotsvaga mabasa.

Gwaro iri rinotiwo vamwe vanhu vakatarisana nedambudziko rekushaya mapepa aya vanhu vakafirwa nehama dzavo munguva yeGukurahundi.

Vachitaura pakuparurwa kwegwaro iri, mutevedzeri wemukuru weAmnesty International kuchamhembe kweAfrica, VaMuleya Mwananyanda, vakurudzira hurumende kuti igadzirise nyaya idzi kuitira kuti vanhu ava vakwanise kuenda kuzvikoro, kurapwa pamwe nekutsvaga mabasa vaine magwaro ose anodikanwa.

Imwe nhengo yeAmnesty International, VaLloyd Kuvheya, avo vakatungamirira tsvakiridzo iyi, vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanira kunanganisa mutemo weCitizenship Act nebumbiro idzva remitemo yenyika kuitira kuti vanhu vakabva kune dzimwe nyika vakwanisewo kuwana zvitupa nemagwaro ekuzvarwa.

VaKuvheya vakurudzirawo hurumende kuti ipewo magwaro aya pasina mubvunzo kuvagari vekumatunhu eMidlands neMatabeleland vasina magwaro ekuzvarwa nezvitupa kuburikidza nekufirwa kwavakaitwa munguva yeGukurahundi.

VaKuvheya vakurudzirawo kuti hurumende ishandise chirongwa chekuverengwa kuri kuitwa vanhu munyika kuti pazivikanwe kuti huwandu hwevanhu vasina magwaro hwakakura zvakadii kunyange hazvo sangano sangano reUnited Nations High Commission for Refugees richiti vanhu vasina magwaro muZimbabwe vanodarika zviuru mazana matatu (300 000).

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vatiwo zvakakosha kuti munhu wese awane magwaro kubva paanongozvarwa kuitira kuti agokwanisa kuwana kodzero dzose dzinopihwa zvizvarwa zveZimbabwe zvinosanganisirawo kuvhota.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, pamwe nemushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi kuti tizive pamire bato ravo nezvenyaya iyi.

Asi imwe nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vakurudzira bazi rinoona nezvekutoreswa kwezvitupa nemagwaro ekuzvarwa kuti riende munzvimbo dzinogara veruzhinji richinonyoresa vanhu vasina magwaro kuti vave nezvitupa nemagwaro ekuzvarwa.

Hatina kukwanisa negurukota rinoona nezvinotika mukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe kuti matanho api avari kutora panyaya sezvo vati vakabatikana patavafonera.

Asi vamwe vanoshanda mumahofisi aRegistrar General vatatauranavo vati bazi ravo rine hurongwa hwekuenda kunzvimbo dzakawanda munyika richinotoresa vanhu zvitupa nemagwaro ekuzvarwa asi vanotiwo havasati vave negwara rakati twasu panyaya yevanhu vakafirwa nehama dzavo munguva yeGukurahundi pamwe neavo vakauya muZimbabwe vachibva kune dzimwe nyika sezvo mutemo weCitizenship Act usati wananganiswa nebumbiro remitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG