Accessibility links

Breaking News

America Yokurudzira Zimbabwe Kuremekedza Mitemo neKodzero dzeVanhu


Dewa Mavhinga
Dewa Mavhinga

America inokurudzira kuti hurumende yeZimbabwe nemapato ese ezvematongerwo enyika varemekedze bumbiro remitemo yenyika, uye kuona kuti mitemo iyi yatevedzerwa.

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica rinoti riri kushushikana zvikuru nekushandiswa kwezvematongerwo enyika mukutyora kodzero dzevanhu mushure mesarudzo.

Gwaro raburitswa nebazi iri rinoti mhirizhonga nekutyorwa kwemitemo zvinhu zvisingafanirwe kuitwa, uye vose vanopara mhosva vanofanirwa kurangwa nemitemo yenyika.

America inoti iri kukurudzira hurumende kuti iite nhaurirano navose vari munyika kuitira kuti hurongwa hwekuvandudza mitemo yesarudzo pamwe nenyaya dzehupfumi zvibudirire.

Mashoko aya atsinhirwawo nesangano reEuropean Union iro ratiwo rikazvipira kutsigira Zimbabwe mukuunza runyararo munyika uye mitemo inofanira kushandiswa mukuchengetedza kodzero dzevanhu nekurwira zvizvarwa zvose pasina rusarura.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDhewa Mavhinga, vanoti masangano eEuropean Union neAmerica kusanganisira dzimwe nyika dzekunze vanga vakatarisisa mafambisirwo esarudzo senzira yekuona nayo kuti Zimbabwe yazvipira here mukugadzirisa nyaya dzemitemo.

VaMavhinga vanoti nyika idzi dziri kuisa mazivo nenzeve paZimbabwe kuitira kuti dzione kana zvava kukodzera kuti dzidyidzane ne Zimbabwe.

Vati kurudziro yekuti vatungamiriri vemapato vabatane, vashande pamwechete yakanaka nekuti inoita kuti nyika igadzikane.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG