Accessibility links

America Yoshora Zanu-PF neKushandisa Mauto neMapurisa Kumbunyikidza Vanhu

  • Blessing Zulu

Magwaro aburitswa nehurumende yeAmerica pamwe nesangano reInternational Crisis Group (ICG) anoti Zanu-PF iri kushandisa mauto nemapurisa kumbunyikidza vanopikisa bato iri.

Mugwaro rinotarisa mamiriro ezvinhu munyaya dzezvekodzero dzevanhu, bazi reState Department Bureau of Democracy and Human Rights, rinoti Zanu-PF iri kuenderera mberi ichishandisa mauto, mapurisa nevasori kutocha uye kusunga vose vanopikisa bato iri. Gwaro iri rinotiwo ropa rinogona kudeuka kana Zimbabwe ikada juita sarudzo sarudzo gore rino.

Mugwaro raburitswawo neICG rinonzi Zimbabwe, Road to Reform or Another Dead End?, sangano iri rinotiwo mauto nemapurisa ari kuenderera mberi achityisidzira vanhu zvekuti kuda kuita sarudzo nemamiriro akaita zvinhu munyika kungave kukanda vana mudanga reshumba.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti magwaro aya ndeemanyepo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda saProgramme Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti Zanu-PF ikasashanda nemauto inokundwa musarudzo.

XS
SM
MD
LG