Accessibility links

Breaking News

America Yosarudzwa Kutungamira Kimberley Process Gore Rinouya


Masangano akazvimirira ega anoti ari kufara kuti America ndiyo ichatora kubva kune Democratic Republic of Congo iyo anga achinetsana nayo achiti yainge ichiita zvido zvezimbabwe, apo yainge isati yapihwa mvumo yekutengesa mangoda ayo zviri pamutemo

America ndiyo inchange yave sachigaro mutsva we Kimberley Process kubva kutanga kwegore rinouya ra2012, uye inenge ichitevedzerwa ne South Africa iyo ichazotorawo chigaro ichi kubva ku america muna 2013.

Masangano akazvimirira ega anoti ari kufara kuti America ndiyo ichatora kubva kune Democratic Republic of Congo iyo anga achinetsana nayo achiti yainge ichiita zvido zvezimbabwe, apo yainge isati yapihwa mvumo yekutengesa mangoda ayo zviri pamutemo.

Vane ruzivo nezvakaitika ku DRC, uko America yakadomwa sasachigaro mutsva, vanoti America yaisada kuti south africa ive mutevedzeri wayo ichiti inyika iri kutyorawo zvinodiwa ne KP mukutengeswa kwemangoda.

World Diamond Council yakati inofarawo nekutorwa kwechigaro che KP neAmerica. Va Moses Mare inhengo yekomiti yeparamende inoona nezve zvicherwa.

Va Mare vanoti kuvapo kweAmerica kutungamira KP kuchabatsira kuswatudzwa Kimberley Process.

XS
SM
MD
LG