Hurumende yeAmerica iri kusimbaradza nyaya yekuti Zimbabwe inofanira kusunga mauto ose ari kupomerwa mhosva yekupfura vanhu vairatidzira muna Nyamavhuvhu gore rapera uye muna Kukadzi gore rino.
Munyori mukuru anoona nezvekudyidzana kweAmerica neAfrica kana kuti Assistant Secretary of State for African Affairs, VaTibor Nagy nezuro vakasangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakavaudza mashoko aya kumucheto wemusangano weUnited States-Africa Business Summit kuMozambique.
VaNaggy vakatiwo Zimbabwe inofanira kuvandudza mitemo yezvematongerwo enyika nehupfumi.
Vachitaurawo pakapera musangano uyu, Zimbabwe yakatiwo haisi kufara nemari inosvika mamiriyoni mazana matatu nemakumi mashanu kana kuti US$350 million yakabhadhariswa bhanga reCommercial Bank of Zimbabwe kana kuti CBZ ichipomerwa mhosva yekuda kutyora mutemo weAmerica pazvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri venyika vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.
Mumiriri weZanu-PF mudare reparamende vachimirira Chipinge South VaEnock Porusingazi vanoti zvirango zvauraya nyika.
Asi nhengo yeMDC vari mumiriri weMutasa Central VaTrevor Saruwaka vanoti nyaya yauraya hupfumi hwenyika inyaya yehuori nemitemo isina kujeka panyaya dzezvehupfumi.
Facebook Forum