Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vari kushora vatori venhau kunyanya nekutumirwa kwemabhambo kune vamwe vatungamiri vebato rinopikisa reDemocratic Party.
Mabhambo aya aitumirwa nevanhu vainge vakaatakura uye nekuUnited States Postal Service ari mumahamviropi.
Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, VaTrump vakati vezvekuburitswa kwemashoko vari kuita kuti munyika musaite kuwirirana.
VaTrump vakataura mashoko aya apo mamwe mabhambo ainge atumirwa kune vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoe Biden, uye mutambi wemafirimu ane mukurumbira zvikuru achitsigirawo Democratic Party, Robert De Niro.
Asi VaTrump vakavambisa kuti nyaya iyi ichaferefetwa zvakasimba. Izvi zvave kureva kuti pane mabhambo gumi aonekwa pari zvino kubva nemusi weMuvhuro.
Mamwe mabhambo aya akatumirwa kune vaimbove mutungamiri weAmerica VaBarack Obama, vakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vakamirira maDemocratic Party, Amai Hillary Clinton, pamwe nevaive muchuchusi muhurumende yaVaObama, VaEric Holder, nevamwe.
Nyaya dzekuputitswa kwemabhambo idzi dzakambokonzerawo mutauro muZimbabwe kuWhite City Stadium muna Chikumi panonzi pakakandwa raifungidzirwa kuti igirinedhi rikakuvadza vatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, naVaConstantino Chiwenga, gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, nevamwe.
Vamwe vanhu vaviri vaichengetedza vatevedzeri vemutungamiri wenyika ava vakabva vafa.
Facebook Forum