Accessibility links

Breaking News

America Yovhota Musarudzo dza2020


Election 2020 Virginia
Election 2020 Virginia

Mamiriyoni nemamiriyoni evanhu ari kuvhota musarudzo dzemuAmerica dzemutungamiri wenyika, pamwe nedzenhengo dzeparamende.

Asi maziso evakawanda akatarisira zvichabuta pakati pemumiriri weRepublican Party musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump pamwe nemumiriri weDemocratic Party musarudzo iyi, VaJoe Biden.

Nzvimbo dzekuvhotera dzavhurwa mangwanani mumatunhu ose emuAmerica.

Joe Biden
Joe Biden

VaBiden vatanga zuva ravo nekupinda muchechi mudunhu ravo reDelaware uye vazopinda munzvimbo mbiri dziri mudunhu re Pennsylvania vachiona vanhu vari kuvhota, vasati vadzokera kudunhu ravo reDelaware.

VaTrump, avo vanova mutungamiri weAmerica pari zvino, vatanga hurongwa hwavo nekutaura pachirongwa che Fox & Friends vachiti vachazivisa veruzhinji kana vachinge vakunda musarudzo.

Donald Trump
Donald Trump

Va Trump vashanyira muzinda wavo wesarudzo uri kunze kweguta reWashington, ndokubva vazodzokera kumba kwavo kumuzinda wemutungamiri weAmerica, we White House.

VaBiden vanonzi vari kutarisirwa kuzivisa masangano enhau kuti vawana mavhoti anoita kuti vave mutungamiri wenyika.

Sarudzo dzemuAmerica dziri kuitika panguva iyo nyika iyi yakatarisana nedambudziko rechirwere che Covid-19, icho chauraya vanhu banodarika zviuru mazana maviri nemakumi matatu nechimwe, kana kuti vanodarika 231,000.

Zvisineyi nedenda iri, vanhu vanodarika mamiriyoni zana nemakumi mashanu vari kutarisirwa kuvhota musarudzo yegore rino.

Asi zvichabuda musarudzo idzi zvichaburitswa pachitevedza mitemo yematunhu akasiyana siyana.

Matunhu achatanga kuzivisa zvabuda musarudzo anosanganisira Florida, Georgia, Maryland, Pennsylvania, Delaware, Virginia, New York, Connecticut nemamwe.

Kuti munhu adomwe semutungamiri wenyika akunda musarudzo, anofanirwa kunge awana mavhoti eElectoral College anodarika mazana maviri nemakumi manomwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG