Accessibility links

Breaking News

America Yokurudzira Kuti Vatori veNhau Vasambunyikidzwa Vachiita Basa Ravo


VaAntony Blinken
VaAntony Blinken

Mugwaro ravakabudisa, mutevedzeri wemukuru wemapurisa eFederal Bureau of Investigation (FBI), VaWilliam Sweeney, vakati chikwata chinotsigirwa nehurumende yeIran chakaedza kubvuta mutori wenhau anogara muAmerica kuti vamudzorere zvechisimba kuIran.

Mutori wenhau uyu ndiMuzvare Masih Alinejad, akazvarirwa kuIran asi ave mugari wemuAmerica.

Kwemakore mazhinji, Alinejad akashanda semutori wenhau muIran, izvo zvakakonzera kuti hurumende yeIran ishatirwe naye pamusoro pezvaakange achibudisa pachena.

Kubva zvaatiza kubva kuIran muna 2009, Alinejad ave nemukurumbira pa’social media’, paanogara achishora kumanikidzwa kwevanhukadzi muIran kuti vashandise jira rekuvhara misoro yavo, kana kuti hijab.

MuAmerica, Alinejad anechirongwa chaanokokera panhephenyuro yeVoice of America.

Mutauriri wemuzinda weWhite House, Amai Jen Psaki, vakashora Iran mukuronga kubvuta Alinejad, vachiti Iran inoda kunyaradza manzwi eavo vanoshanda murugare muIran nekune dzimwe nyika.

Muongororo inonzi ‘2021 World Press Freedom Index’, yakaitwa nekunyorwa nesangano rinorwira kodzero dzevatori venhau, reReporters Without Borders, Iran iri pachinzvimbo chezana nemakumi manomwe nechina (174) kubva munyika zana nemakumi masere (180) dzinobvumira vatori venhau kushanda vakasununguka.

Sangano iri rinoti, mukudzvanyirira vatori venhau, hurumende yeIran inoshandisa nzira dzechisimba, dzinosanganisira kuvabvunzurudza, kuvaisa mumajeri kana kuvauraya.

Sekutaura kwakaitwa negurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaAntony Blinken, Iran haisi iyo nyika yega inoshungurudza nekumbunyikidza vatori venhau.

VaBlinken vakati hofisi iri mubazi ravo yakabudisa zvayakawana muongororo yayakaita, inonzi Human Rights Report, inotatidza kuti vatori venhau vazhinji varikumbunyikidzwa nekuurairwa basa ravo.

Sangano rinorwira kuchengetedza kwevatori venhau, reCommittee to Protect Journalists, rinoti muna 2020, huwandu wevatori venhau vakaurayirwa kuita basa ravo hwakapetwa kaviri, richiti vatori venhau vazhinji vakaurawa muMexico neAfghanistan.

Sangano iri rinotivo huwandu hwevatori venhau vakasungirwa kuita basa ravo mugore ra2020 hwakasvika pahusina kumbosvika kubva zvavatanga kuongorora kunetseka pabasa kwevatori venhau, richiti vazhinji vevatori venhau vakasungwa muPeople’s Republic of China, Turkey, nemuEgypt.

Mushure mekuziviswa kuti Iran yakange yaedza kumubvuta muAmerica, Masih Alinejad akataura pfungwa dzevatori venhau pasi pose achiti haazoregi kuita basa rake, sezvo zvese zvirikuitika kwaari zvichimusimbaradza.

VaBlinken vanoti chokwadi chinobudiswa nevatori venhau chinobatsira mukuvaka hurumende dzejekerere, vachitizve vanokurudzira hurumende dzepasi pose kuti dzichengetedze vatori venhau uye kuti dzione kuti vatori venhau vanoita basa ravo pasina njodzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG